Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kushandisawo Zvitima neNjanji paKutakura Zvinhu


Chitima cheNational Railways of Zimbabwe, NRZ
Chitima cheNational Railways of Zimbabwe, NRZ

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo vanoti kushandiswa kwenjanji mukutakura zvinhu kunofanirwa kuve kwakaenzana nekushandiswa kunoitwa migwagwa.

VaGumbo vanoti izvi zvinoita kuti njanji nekambani yehurumende yeNational Railways of Zimbabwe zvisasvika pakuparara uyewo migwagwa mikuru yemunyika isakuvare nekuda kwekuve nemotokari huru kana marhori akawanda anotakura zvinhu zvinorema.

Pakaita mufaro mukuru mukurupera kwesvondo rapera pachiteshi cherailway muguta reBulawayo apo VaGumbo vakakumikidza zviri pamutemo ngoro dzezvitima makumi matatu nerimwe ekambanai yeNational Railways of Zimbabwe.

VaGumbo vanoti kunyange hazvo kambani yeNRZ yakatarisana nematambudziko akatarisana nemamwe makambani ehurumende akafanana nekushaya mari yakakwana yekuvandudza mashandiro awo, bazi ravo riri kuedza neparinogona napo kuti rimutsidzire kambani iyi.

VaGumbo vanoti bazi ravo haringade kuti riise mutemo unomanikidza vemabhizmisi kana industry kuti vashandise njanji pakutakura zvinhu zvinorema, asi vati vanotarisira kuti vanhu vawone kuti kuita izvi ndiko kwakakodzera sezvo kunyanya kushandisa migwagwa kuchikonzera kuti migwagwa iyi ikurumidze kuparara uye kuchiwedzera tsaona dzemumigwagwa.

Pakambove nemutauro wekuti hurumende yaizeya nyaya yekuisa mutemo unorambidza kufamba kwakanyanya mumigwagwa yemunyika kwemarori, anoziikanwawo kuti magonyeti, ayo ave kunyanya kushandiswa pari zvino pakutakura zvinhu zvinorema.

Asi VaElias Mudzuri vanove nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu, avo vange varipowo pachiitiko ichi vakaudza Studio 7 kuti hazvibatsire kuve nemitemo inomanikidza vanhu zvekuita nekuti mitemo iyi inogona kutyorwa kana ipi nguva.

VaMudzuri vati zvakakosha kuti vanhu vanotungamira makambani ehurumende vave vanhu vanosarudzwa nekuda kwekuziva basa kwavo uye pasave nekupinzwa kwezvematongerwo enyika mukushanda kwemakambani ehurumende.

Sachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Musarara vakati ngoro dzezvitima zveNRZ idzi dzauya panguva yakanaka apo nhengo dzesangano ravo dziri mushishi rekuunza chibage negorosi munyika.

VaSimbaneuta Mudarikwa vanove nhengo yeparamende yeUzumba variwo mukuru weNatural Stone Company varumbidzawo chiitiko ichi vakati ivo nevamwe vemabhizimisi vakazvipira kushandisa kambani yeNRZ pakutakura zvinhu.

Ngoro idzi dzakagadzirwa nekambani yekuChina yeChina Railway Rolling Stock Corporation nemari inosvika mamiriyoni maviri nezviuru zvipfumbamwe.

Mukuru mukuru weNRZ VaLewis Mukwada vati aka ndekekutanga mukati memakore makumi maviri nemashanu kambani yeNRZ ichikwanisa kutenga midziyo yakadai uye vatiwo chiitiko ichi mucherechedzo wekumutsiridzwa kwekambani iyi.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG