Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Vopinzwa muNyaya yeKutorerwa Purazi kweMumwe Muchena kuGwanda


Amai Grace Mugabe .
Amai Grace Mugabe .

Zita raAmai Grace Mugabe mudzimai wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe rakaburitswa nemusi weChina mumakakatanwa ari mudare reHigh Court pakati pemumiriri weBeitbridge mudare reSenate Amai Tambudzani Mohadi nemumwe murimi wechichena wekuGwanda VaGeorge Watson.

Amai Mohadi avo vanovewo nhengo yeWomen’s League uye vari mudzimai wegurukota rezvevasori VaKembo Mohadi, vakaburitsa zita raAmai Mugabe mudare mushure mekunge vabvunzwa nemutongi wedare Justice Nokuthula Moyo kuti sei vaive vauya kudare vasina gweta rinovamiririra.

Amai Mohadi ndivo munhu akadomwa pekutanga, kana kuti "first respondent" muchirungu, pakati pevamwe vanhu vakadomwawo munyaya yechimbi-chimbi yakakwidzwa kudare reHigh Court naVaGeorge Watson vepapurazi reMakado Ranch kuGwanda, vachikumbira kuti dare iri rirambidze Amai Mohadi nevamwe vavo kuti vasapamba kana kukanganisa mafambiro ebasa papurazi iri.

Amai Mohadi vakaudza dare kuti nyaya iyi yaive iine chekuita neZanu-PF Women’s League saka vaifanirwa kupiwa nguva yekuti vataurire Amai Mugabe nedzimwe nhengo dzeboka remadzimai reZanu PF kuti paitwe musangano wekuronga kuti mari yemagweta yaizobhadharwa sei.

Justice Moyo vakaburitsa tsamba yakabva kumagweta eMudenda Attorneys yairatidza kuti magweta aya, ayo aitarisirwa kumirira Amai Mohadi nevamwe vavo, aisakwanisa kuita izvi sezvo aive asina kunyatsoudzwa zvizere pamusoro penyaya iyi.

Pavakabvunzwawo kuti vaive vanyatsotaurirana vakapedzerana here panyaya yemari nemagweta eMudenda Attorneys, Amai Mohadi vakaudza Justice Moyo kuti havaifunga kuti magweta aya achatararisira kuti ivo mbune vavabhadhare mari iyi nekuti nyaya yekuti magweta aya avamirire yaive yabva kumuzinda weZanu PF kuHarare, vakatiwo vaifungidzira kuti magweta aya aive audzwa kuti aizobhadharwa sei.

Justice Moyo vakatambira tsananguro yaAmai Mohadi vakavapa mukana wekuti vagadzirise nyaya yekumirirwa kwavo nemagweta, vachiti nyaya iyi yaizonzikwa zvizere nemusi weChipiri svondo rinouya.

Justice Moyo vakati nyaya iyi yaive yamboendeswa mberi kaviri kose vakati sezvo yaive yakwidzwa kudare sechikumbiro chechimbi-chimbi nyaya iyi yaizonzwikwa nemusi weChipiri uyu, zvisinei kuti ivo Amai Mohadi vanenge vauya kudare nemagweta anovamirira here kana kuti kwete.

Muchikumbiro chavo, VaWatson avo vanorima mabanana pamwe nemiriwo yakasiyan-siyana papurazi ravo vanoti vakawana purazi iri, iro rakakura mahectare anosvika zviuru zviviri, kubva kuna baba vavo, uye ndivo muridzi wepurazi iri zviri pamutemo.

VaWatson vanoti purazi ravo rakagurwa kubva papurazi guru raisvika mahectare zviuru gumi kuzadzikisa mutemo wehurumende wekudzorera ivhu kuvatema.

Vanotiwo muna Nyamavhuvhu Amai Mohadi nevamwe vanhu vakauya papurazi pavo vachiratidza kuti vari kuda kupamba purazi iri asi vasina kana magwaro anoratidza kuti vaive nemvumo yekuita izvi.

Hurumende yakaita hurongwa hwekudzorera ivhu kuvatema asi vakawanda vanochema-chema nerekuti vakuru vakuru vebato riri kutonga reZanu PF pamwe nehama dzavo ndivo vari kuwana chete pundutso kubva muchirongwa ichi.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG