Accessibility links

Breaking News

VaCyril Ndebele Vanoshaya


Zimbabwe Parliament
Zimbabwe Parliament

Vaimbova mutauriri wedare reparamende VaCyril Ndebele vakashaya nemusi weChishanu kuchipatara cheMatar Dei kuBulawayo.

Hama neshamwari dzavaCyril Ndebele avo vange varizve sachigaro weNational Peace and Reconciliation Commission dzinoti mushakabvu aive munhu ane mutsa uye aisatya kutaura pfungwa dzake pamusoro pezvinhu zvakaipa.

Dzimwe hama nevamwe vanhu vakashanda naVaNdebele vati havana mamwe mashoko avangave nawo pamusoro pemufi kunze kwekuvarumbidza.

Hanzvadzi yemushakabvu amai Tenny Mijoso vati mhuri yavo iri kurwadziwa zvikuru nekushaya kwaVaNdebele vachiti mufi aive chirera nherera achibatsira hama pamwe nevatorwa vemunharaunda mavaigara.

Amai Mijoso vati VaNdebele vaive vanzi vaifanirwa kuendeswa kuHarare nendege kunoongororwa naanamazvikokota asi vazoshaya izvi zvisati zvaitika.

Vati varwadziwa zvikuru nenyaya yekuti vanhu vanorasikirwa nehupenyu nekuda kwekushaikwa kwaanamazvikokota munyika.

Munyori mukuru weZapu VaStrike Mkandla vati vakatanga kuziva mushakabvu pavakasangana kuUnited Kingdom mumakore ekuma70s.

VaMkandla vati havabvumirane netsika inoitwa nebato reZanu yekuti ndiro rinopa chiga chekuti munhu anopiwa ruremekedzo rwegamba renyika ndiani.

Asi VaMkandla vati VaNdebele munhu anokodzera kupiwa ruremekedzo urwu nekuda kwenhoroondo yavo muhondo yerusununguko rwenyika uyewo nemabasa avakaita nyika yawana kuzvitonga.

VaMkandla vati VaNdebele vaive munhu aive asingatye kutaura pfungwa dzake vakatiwo mushakabvu ndemumwe wenhengo dzebato reZapu dzakati bato iri ribude mumubatanidzwa waro nebato reZanu PF.

VaNdebele vane ndoroondo yakasimba yekurwira rusununguko. Vainge vari nhengo yeAfrican National Congress yekuSouth Africa kubva muna 1960 apo vaidzidza paUniversity of Natal.

Vakazotora degree ravo remutemo paQueens Universoty Belfast muna 1970 ndokuzodzoka kumba nyika ichiri kunzi Rhodesia kuzoita sachigaro weZapu.

Muna 1995 vakaitwa mutauriri wedare reparamende chigaro chakazotorwa naVaEmmerson Mnangagwa muna 2000. Muna 2001 VaNdebele vakapihwa honorary doctorate degree neUniversity of Essex yekuBritain

Hurongwa hwekuti VaNdebele vachavigwa riinhi uye kupi hausati hwavepo sezvo vamwe vemhuri yavo kusanganisira mudzimai wavo amai Venetta Ndebele, vasati vasvika kubva mhiri kwemakungwa.

Vanhu vakaungana pa7B Hope Road kuWoodville muBulawayo. VaNdebele avo vange vave nemakore makumi masere nematatu vasiya mudzimai, vana vashanu, pamwe nevazukuru vane chitsama.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG