Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vodzokera kuMabasa kuBulawayo Mushure Mekuratidzira


Zimbabwe republic Police
Zimbabwe republic Police

Zvinhu zvange zvagadzikana muBulawayo nemusi weChina mabhanga, zvitoro nemwamwe mabhizimisi zvakavhurwa veruzhinji vachiita mabasa avo akasiyana-siyana semazuva ose.

Kunyange hazvo mange muine mapurisa akawanda muguta pamwe nemumisha inogara veruzhinji muguta reBulawayo, mange muine runyararo muguta iri.

Kunyange mumusha weveruzhinji Makokoba umo munove ndimo makaitika mhirizhonga yakakura neChitatu, mange muine runyararo, vanhu vachiita mabasa avo akasiyana-siyana semazuva ose.

Vemakombiwo vange vachitakura vanhu semazuva ose. Pamisika yemuna Lobengula Street nepaGodini apo paive pasina vanhu nezuro range riri besanwa semazuva ose vanotengesa vachiti vari kufara kuti vakwanisa kudzoka pabasa.

Mumwe weavo anotengesa muna Lobengula ataura neStudio 7 ndiMuzvare Namatirai Muzorori.

Asi vamwewo vataura neStudio 7 vati vachiri kutyira kuti mhirizhonga inogona kuitika zvakare chero nguva sezvo vanhu vachiramba vachiomerwa nehupenyu.

Mumwe weavo vari kutyira izvi ndemumwe mushandi wepane imwe kambani ye-insurance uyo angozvidoma nezita rekuti Kudzai.

Muzvikoro zvakawanda zvashanyirwa neStudio 7, kunyange vadzidzisi vange vari pabasa, kwange kune vana vashoma uye vamwe vavo vange vachitamba panze ukuwo vamwe vachidzokera kumba.

Pazvipatara zvikuru zvemuBulawayo ngoma yange iri imwe chete seChitatu sezvo madhokotera naana mukoti vakawanda vasina kuuya kubasa.

Mune imwewo nyaya, vesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vatumira mamwe magweta kuBulawayo kuyedza kubatsira vanhu vanoda kusvika zana vakasungwa mumhirizhonga yakaitika nezuro.

Mukuru mukuru weZ-L-H-R mudunhu rekuchamhembe kwenyika VaLizwe Jamela vaudza Studio 7 parunhare kuti vanhu vana chete ndivo vange vakwanisa kumiswa pamberi pedare asi vati havana zvimwe zvakawanda zvavange vachikwanisa kutaura sezvo vange vari mushishi rekuedza kubatsira vamwe vasungwa.

Vakawanda vevakasungwa vanotarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChishanu.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG