Dare ramagistrate remuBulawayo nemusi weMuvhuro rakarasa mhosva yange yakatarisana nemamwe madzimai gumi esangano reWOZA ayo ange achipomerwa mhosva yemusarinya kana kuti criminal nuisance mushure mekunge varatidzira panze peimwe nhandare yemitambo muguta reBulawayo pakutanga kwemwedzi uno.
Mutongi wedare VaBatanai Tuwe vabvumirana nechikumbiro chemagweta emadzimai aya chekuti dare risaenderera mberi nekunzwa nyaya iyi sezvo madzimai aya, kusanganisira mutungamiri we WOZA, amai Jenni Williams, vainge vasina kupara mhosva pakuratidzira kwavakaita.
Muchuchusi VaNkathazo Dlodlo vange vati pamadzimai gumi aya, madzimai mapfumbamwe ndiwo ange achifanirwa kuwanikwa vasina mhosva, asi nyaya yaAmai Williams yange ichifanirwa kunzwika nedare nekuti vainge vane mhosva.
Asi Amai Williams vazowanikwavo vasina mhosva sevamwe vavo mushure mekunge VaLizwe Jamela , rimwe remagweta ange achimirira madzimai aya, vachishanda vari pasi peZimbabwe Lawyers for Human Rights, vapikisa maonero emuchuchisi.
VaJamela vati hazvaigona kuti Amai Williams vawanikwe vaine mhosva iro dare range rarasa mhosva yevamwe vavakasungwa navo.
Gweta iri rapikisawo chikumbiro chemuchuchisi chekuda kuwedzera kana kuchinja mhosva inonzi yakaparwa naamai Williams.
VaJamela vaudza dare kuti rirasewo mhosva yange ichipomerwa Amai Williams vachiti mukupindura chikumbiro chavaive vaita chekuti nyaya yemadzimai aya iraswe, muchuchisi aive asina kupindura nyaya dzakawanda dzavakataura dzinosanganisira kutyorwa kwekodzero dzemadzimai aya kwavanoti kwakaitwa vari muhusungwa.
Mutongi wedare VaTuwe vabvumirana naVaJamela vakati hazvaigona kuti Amai Williams varambe vakamiswa pamberi pedare ivo vamwe vavo vawanikwa vasina mhosva vakatiwo hazvaigona kuti muchuchisi aunze imwe mhosva itsva yekupomera Amai Williams.
VaJamela vati kunyange havo vafara nekuraswa kwaitwa nyaya yange yakatarisana nemadzimai aya, vati vanoshungurudzika nenyaya yekuti mapurisa nevachuchisi vanopedza nguva vachiita kuti vanhu vasina mhosva vamiswe pamberi pedare.
Madzimai aya, ayo ange achitongwa achibva kumba asina kubhadhariswa mari yechibatiso, aive asungwa apo mapurisa akamisa kuratidzira kwakaitwa paQueens Sports Club paitambwa mutambo wecricket pakati penyika yeZimbabwe neyeNew Zealand pakutanga kwemwedzi uno.
Vairatidzira ava vaive vakabata zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvaishora hurumende yaVaRobert Mugabe kunyanya nyaya yekuda kuunza mari yemabond notes kunonzi kuri kuda kuitwa nehurumende iyi mumwedzi waGumiguru.
Vanhu vakawanda vanenge vasungwa nenyaya dzekuratidzira vari kuwanikwa vasina mhosva sezvo bumbiro remitemo yenyika richiburitsa pachena kuti kuratidzira murunyararo ikodzero yevanhu munyika.