Accessibility links

Breaking News

Mari yeBond Note Yoramba Kutambirwa muBulawayo


Vamwe vagari vemuBulawayo vabuda pachena kuti havazi kufara nekutanga kushanda kwakaita mari yemabond note munyika vachiti kuita izvi inzira yehurumende yekuda kubira veruzhinji mari dzavo.

Vagari ava vati paramende inofanirwa kuramba kutambira bhiri reReserve Bank of Zimbabwe Amendement Bill iro richaisa mutemo wekuti mari yemabond note ishande zviri pamutemo.

Vagari ava vaburitsa pfungwa idzi apo komiti yeparamende inoona nezvemari pamwe nekubudirira kwehupfumi yange ichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pekuvandudzwa kwemutemo unoona nezvekutengwa nekutengeswa kwezvinhu zvehurumende kana kuti Public Procurement and Disposal of Public Bill pamwe nemutemo une chekuita nemari yema bond note weReserve Bank of Zimbabwe Amendement Bill.

Vagari vakawanda vataura pfungwa dzavo vanyanya kutaura pamusoro pezvebhiri rekuvandudza mutemo we RBZ Act vachishora kutanga kushanda kwemari yemabond note.

Mumwe weavo vashora izvi ndiVaTakunda Madzana avo vati kuunzwa kwemari iyi inzira yehurumende yekuda kubira nayo vanhu mari sezvayakamboita pakaunzwa mari yemabearer cheque.

VaMadzana vashorawo vamiriri veparamende vachivati vanofamba vachiti vanoda kunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pemitemo yakawanda asi pfungwa idzi hadzizoburitswi nemazvo.

Izvi zvatsigirwawo naAmai Mildred Dube avo vati havawone kubatsira kuchaita mari itsva iyi vakatiwo dare reparamende rinofanirwa kusatambira bhiri richaita kuti mari iyi ishande zviri pamutemo.

VaTerrence Mukupe vanove mumiriri weHarare East variwo vakafanobata chigaro chasachigaro wekomiti yeparamende iyi vaedza kuvimbisa vanhu kuti zvose zvavataura vachazvisvitsa kuparamende asi vakawanda varamba vachichema-chema nenyaya yekuti pfungwa dzinopiwa neveruzhinji hadzitambirwe.

Amai Mavis Chihombe avo vati vanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu zvakasiyana-siyana vatiwo havana chavanoona chichanyanyobatsira veruzhinji pakuunzwa kwemabond notes sezvo achingoshanda muZimbabwe chete apa vanhu vakawanda vachirarama nekutenga zvinhu kunze kwenyika vachizotengesa muno.

Mukuru mukuru weCentre For Public Engagement, Doctor Samukele Hadebe, vati vamiriri vedare reparamende vanofanirwa kufungisisa vaone kuti havafanirwe kunzi vatambire mutemo unoda kuvharidzira kutadza basa kwehurumende kuburikidza nebhanga guru renyika.

Asi VaTinashe Nyashanu vati ivo vanotambira mari yemabond notes sedanho riri kushandiswa nehurumende kwechinguva chidiki ichiedza kugadzirisa kunetsa kwemari munyika.

Mumwewo mugari asina kuda kudomwa nezita atiwo vanhu havafanirwe kungoramba zvose zvinenge zvaitwa nehurumende vakati vari kuramba mabond note havana mamwe mazano avanawo ekugadzirisa matambudziko ekushaikwa kwemari akatarisana nenyika.

VaEdmore Kazingizi vati vanotambirawo mabond note aya asi vati hurumende inofanirwa kuwona kuti paiswa mitemo yakasimba inoita kuti vanhu vasazode kutenga kana kutengesa mabond note aya senzira yekuda kuzvipfumisa.

Vekomiti yedare reparamende vari kufamba munzvimbo dzakasiyana-siyana vachinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pemutemo wemabond note pamwe nemutemo une chekuita nekutengwa nekutengeswa kwezvinhu zvehurumende.

Musangano wemuBulawayo uyo waitirwa paCity Hall wanonoka kutanga sezvo paive pambobuda mashoko ekuti waizoitirwa pane imwe hotera iri muguta

XS
SM
MD
LG