Chikwata chema Mighty Warriors chiri pamutambara kede nemafaro panguva iyo mutevedzeri wemurairidzi weDynamos, Gift Muzadzi, akamira panguva yakaoma.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave kupinda musvondo repiri maziso ese ari pamurairidzi weDynamos, Paulo Jorge Silva, uyo akonzera mutauro wakanyanya munyika.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kupfungaira hutsi svondo rino kuchitarisirwa machikichori enhabvu mumwedzi misere inotevera
Shasha yemumhanzi wesungura Alick Macheso aratidza kuti haasi zuru rakapinda nyoka sezvange zvofungidzirwa nevamwe vange voti ainge oneswa chitsvuku nevakomana vechidiki veZimdanceHall.
Zvikwata izvi zvaita mangange 1-1 izvo zvasiya Swaziland yaramba iripamusoro mugungano regroup L remunzira yekuenda ku2017 Africa Cup of Nations.
Kwakave nekufara pamwe nekuchema munyaya dzemitambo mukupera kwesvondo. Vamwe vaipemberera asi vamwe vainge vakabata shaya.
Vaimbova mukuru wekumahofisi eZifa, Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vakaregererwa naVaChiyangwa, mushure mekumbodzingwa munhabvu, vave kupomerwa zvakare mhosva yekutengesa mitambo yechikwata chemaWarriors.
Chikwata cheHarare City chichange chine rutsigiro rwachisati chambooana kubvira chapinda muPremier Soccer League apo chirikusangana neZANACO yekuZambia muCaf Confederation Cup kuRufaro Stadium muHarare nemusi weMugovera.
Kufara pamwe nekusuwa uku kwakauya mushure mekunge chikwata cheChicken Inn chabuditswa mumakwikwi eCaf Champions League panguva imwe cheteyo Harare City yakabudirira kuenderera mberi mumakwikwi eCaf Confederation Cup.
Pamusoro pezvo kuchave nemabiko ekupembera kusvitsa makore makumi mapfumbamwe kwechikwata cheHighlanders uko mukuru wacho, VaNadumiso Gumede, vakavimbisa mumimhanzi pamwe nenhabvu zvepamusoro soro muBarbourfields Stadium neMugovera.
Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chapihwa mufaro unotyisa apo chasimuka neChishanu chakananga kumakundano makuru e T20 World Cup.
Mutsigiri weChicken Inn VaLevison Ndudzo vanoti chikwata chavo chinokwanisa chete kukanganisa Khama Billiat kuti asatambe semazuva ese vanokunda.
Pese pese paunofamba muZimbabwe unosangana nenguwo dzezvikwata zvenhabvu zvekunze zvakaita seManchester United, Arsenal, Barcelona, Chelsea, Liverpool, pamwe neReal Madrid.
Asi muZimbabwe hapana kubvimirana muvatsigiri venhabvu kuti chii chaicho chakakonzera kuti maWarriors anyadzise kudai
Mubati wehomwe wechikwata cheCaps United, VaMorton Dodzo, vanoti pane zvakawanda zviri kuvapa chivimbo chekuti maWarriors achabudirira rwendo rwuno.
Vatsigiri vekiriketi vari kuvava mushure mekudamburwa kwemaChevrons nechikwata chepasi pasi cheAfghanistan.
Mutungamiri mutsva weZimbabwe Football Association, Zifa, VaPhillip Chiyangwa, vave neshamwari itsva dzakawanda kubva muvanhu vakanga vasingavatsigire kuti vave mutungamiri weZifa zvichitevera mabatiro avari kuita maWarriors.
Mumwe wevari kubatsira vanorwara nepfungwa ava, Madzibaba Silog Sogeriki, vanoti vakatumwa nemweya mutsvene kuti vabatsire vari kutambura ava.
Asi mubvunzo mukuru ndewekuti, hurumende yacho ine mari here yekubatsira mitambo, iyo pachayo ichishaya mari yekutambirisa vashandi vayo?
Gore ra 2015 iro riri kupera neChina pakati pehusiku, ranga rakaoma zvikuru munyaya dzemitambo muZimbabwe.
Rodhai zvimwe