Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veNhabvu muZimbabwe Vomira neHarare City


Ronald Chitiyo
Ronald Chitiyo

Chikwata cheHarare City chichange chine rutsigiro rwachisati chambooana kubvira chapinda muPremier Soccer League apo chirikusangana neZanaco yekuZambia muCaf Confederation Cup kuRufaro Stadium muHarare nemusi weMugovera.

Harare City ndiyo yega yasara mukumiririra Zimbabwe mumakundano ezvikwata zvenhabvu zvemuAfrica mushure mekubuditswa kweChicken Inn neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa.

Izvi zvapa kuti vakawanda kusanganisa mutsigiri weDynamos VaGeorge Musariri varikurudzire vatsigiri venhabvu vese kuti vange vari pamutambo uyu vachitsigira Harare City.

Kunyange hazvo chikwata chake chichange chichitamba kuBarbourfields Stadium nesvondo, mumwe mutsigiri weDynamos VaAlvin Zhakata vanoti vachatanga vaona mutambo weHarare City vasati vasimuka kuenda kuBulawayo.

VaZhakata vanoti vachange vachipa Harare City rutsigiro kwete semutsigiri veDynamos asi mutsigiri venhabvu wemunyika. Mutsigiri weCaps United VaAugustino Gigo vanoti vachambokanganwa zvemaGreen Machine svondo rino vachitsigira Harare City vachiwedzera ivo kuti chishuwo chavo ndechekuti Harare City ikunde.

Chikwata cheHarare City chinofanira kukunda nezvibodzwa zvakawanda mumutambo wekutanga uyu sezvo zvikwata izvi zvirikusangana zvekare muZambia masvondo maviri anotevera.

Zvichakadaro, vatsigiri vezvikwata zveDynamos neHighlanders vachange varimunzira neSvondo vakananga kuBabourfields Stadium uko zvikwata zvavo zvirikusangana mumutambo weBob 92 Super Cup.

Mutambo uyu ndewe kupemberera zuva rekuberekwa kwemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe uyezve zvikwata izvi zvichasangana zvekare mumutambo wechipiri muHarare.

Zvikwata izvi zvine varairidzi vakabva mhiri kwemakungwa. Dynamos ina VaJorge Silva avo vanobva kuPortugal, Highlanders ichirairidzwawo naVaErol Agbay avo vanobva kuNetherlands.

Muongorori wezvemitambo, VaRichard Musengezi vanoti mutambo uyu uchange wakaoma, vachiwedzera ivo kuti semaonero avo Highlanders ichakunda sezvo mumba mavo musina kundengendeka sezvirikuitika mumusha meDynamos.

Ai VaKingsley Makoni mustigiri wechikwata cheCaps United vanoti Dynamos yakagadzirira zvakakwana uyezve murairidzi wavo VaSilva vanenge vane ruzivo rwezvenhabvu.

VaMakoni vanoti Dynamos ine mwongo kunyanya kuvatambi vekumberi vachiti ivo mutambi wemaWarriors Roderick Mutuma anotonwisa chibodzwa chete.

Totarisa mutambo wekiriketi. Chikwata chenyika cheZimbabwe chatarisana nekukunda kana kudzoka kumba apo chirikusangana neAfghanistan mumutambo wavo weTwenty 20 World Cup munhandare yeVidarbha Cricket Association Stadium muIndia neMugovera.

Zvikwata izvi zvakakunda mumitambo yavo miviri yekutanga zvekuti chinokunda mumutambo wekugumisira uyu ndicho chinoenderera mberi nemakwikwi aya.

Chikwata chichakunda chinobatanana neEngland, Sri Lanka, West Indies, pamwe neSouth Africa munharaunda inotevera

Vasati vasimuka kubva muZimbabwe, vatambi vemaChevrons vakati chinangwa chavo chaive chekukwanisa kubudirira kubva mugungano repasi pasi ravari parizvino. Nemusi weMugovera vachange vachiziva kuti vabudirira here mzviroto zvavo.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG