Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutsigira Mitambo neMari Yakawanda


Chinamasa Budget
Chinamasa Budget

Asi mubvunzo mukuru ndewekuti, hurumende yacho ine mari here yekubatsira mitambo, iyo pachayo ichishaya mari yekutambirisa vashandi vayo?

Vanofarira mitambo vari kutarisira kufamba kwezvinhu kwakanaka mugore idzva ra 2016.

Asi vazhinji vavo vanoti izvi zvinoitika chete kana hurumende ikabatsira mitambo iyi nemari yakawanda.

Kubvira Zimbabwe yatanga kutamba nedzimwe nyika muna 1980, hurumende haina kumbobvira yaita hany'a nezvemitambo kunyange hazvo ichitarisira kubudirira kwevatambi vemuno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nguva nenguva zvikwata zviri kugara zvakadzingwa mumakundano nedzimwe nyika nemhaka yekushaikwa kwemari yekufambisa kana yekukwikwidza.

Mutungamiri weZimbabwe Kickboxing Association, VaTony Kamangira, vanoti izvi zviri kukanganisa budiriro yemitambo.

Kuipa kwenyaya dzemari uku kwawedzerwa nemamiriro akaita zveupfumi munyika sezvo makambani asisiri kukwanisa kubatsira nemhaka yekuvharwa kana yekusafamba zvakanaka kwezvinhu.

Makambani mashoma achiri kubatsira zvemitambo ave kuderedza mari yavari kupa sezvakaitwa neDelta Beverages iyo vakaderedza mari yainopa sangano reSport and Recreation Commission yemibairo yevatambi kubva pamadhora zviuru makumi mashanu kusvika pazviuru makumi maviri.

Muongorori wezvemitambo, VaMoses Gunduza, vanoti vemakambani havachakwanisi kusimudzira mitambo nemhaka yekunetsa kwezvinhu.

VaGunduza vanoti zvave kutoda kuti hurumende ipindire munyaya dzemari kuitira kuti mitambo isafe zvachose munyika.

Vanotungamira sangano idzva reAero-Modelling Federation of Zimbabwe, VaPearson Machona, vanotiwo hurumende chete ndiyo inokwanisa kupedza dambudziko ratarisana nemitambo munyika kunyanya panyaya dzemari.

Chikwata chemaWarriors chiri pamusoro soro munzira yekuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations umo vakaenzana mapoinzi neSwaziland.

Asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaLazarus Banda, vanoti rwendo rwavo rwungangogumira panzira kana pasina mari.

Muzvare Viola Musariri, avo vaitungamira chikwata cheZimbabwe chemaSpecial Olympics kuma World Games kuLos Angeles kuAmereka, vanoti nezvakaitika gore rapera, vari kutarisirawo ruyamurwo rwakasimba gore rino.

Asi gurukota rezvemitambo, VaMakhosini Hlongwane, vakavimbisa kuti gore rino richange rakasanduka zvikuru munyaya dzekutsigira mitambo kwehurumende.

VaHlongwane vanoti vakaronga musangano negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti vaone kuti hurumende ingabatsire sei zvikwata zvenyika apo zvinenge zvichatamba nedzimwe nyika.

Zimbabwe yakatarisana nemitambo yakawanda gore rino iyo VaHlongwane vanoti inofanira kutsigirwa.

Asi mubvunzo mukuru ndewekuti, hurumende yacho ine mari here yekubatsira mitambo, iyo pachayo ichishaya mari yekutambirisa vashandi vayo?

XS
SM
MD
LG