Kwakave nekufara pamwe nekuchema munyaya dzemitambo mukupera kwesvondo. Vamwe vaipemberera asi vamwe vainge vakabata shaya.
Izvi zvinotevera kubudirira kwakaita chikwata chevanhukadzi chemaMighty Warriors panguva imwecheteyo chikwata cheHarare City chakadamburwa ndokubuda mumakundao eCaf Confederations Cup.
Chikwata chemaMighty Warriots chakaita mangange 1-1 neTanzania pamusha muRufaro Stadium asi chikakwanisa kuenderera mberi 3-2 mushure mekunge chambokunda apo zvikwata izvi zvakasangana e kuTanzania masvondo maviri apfuura.
Mutungamiri weZimbabwe Football Association VaPhillip Chiyangwa vakati mari yese yakabhadharwa nevanhu inofanirwa kugovanwa nevatambi.
Vakavimbisa kutengera vatambi vese nhumbi dzekupfeka vachiti ivo havasi kufara nemapfekero anoita vatambi vechikwata chevanhukadzi ichochi.
Zvakamira zvakadai. Chimwe chikwata chemuZimbabwe cheHarare City chabuda mumakundano eCaf Confederations Cup mushure mekurohwa 3-1. Mumutambo wekutanga Harare City yainge yakundwazve 2-1 kuRifaro Stadium.
Izvi zvave kureva kuti Zimbabwe haiisina chikwata mumakundano ezvikwata zvemuAfrica mushure mekunge Chicken Inn yarohwawo neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa.
Mune mumwe mutambo, chikwata cheHighlanders chasvika mufarinari yeZimbabwe National Army Charities Shield mushure mekudambura FC Platinum 4-3 nemapenateri.
Zvikwata izvi zvaive zvapedza mutambo panguva yakatarwa ari mangange 1-1. Highlanders yamirira chikwata chikchakunda pakati peZPC Kariba neHarare City.
Tirikunze kwenhandare. Vatsigiri vechikwata cheDynamos vaive vari kuMakumbi Ophanage kwaMurehwa uko vaibatsira nherera dziri pamusha uyu.
Vatsigiri vechikwata ichi vakaenda nezvekudya izvo vanochengeta vana ava Sister Diana varikutenda vachiti ivo panguva ino zvakavaomera.
Mutungamiri wevatsigiri veDynamos muHarare VaStanely Makesa vanoti uhu horongwa hwavagara vanowo.
Svondo rino, maziso ese ari pamutambo wemaWarriors weAfrica Cup of Nations neSwaziland. MaWarriors arikutarisirwa kuve mukamba nemusi weChipiri.