Vatsigiri vemutambo wenhabvu vari kugunun’una zvakanyanya nekubuda kwechikwata cheZimbabwe chemaWarriors mumakwikwi eAfrican Nations Championship kana kuti CHAN 2016. Makwikwi aya ari kutambirwa kuRwanda.
Vatsigiri venhabvu vakabuda mudzimba dzavo vachifara neMugovera vakananga munzvimbo dzekutandarira kunoona mutambo wemaWarriors ndokudzoka kudzimba vachiridza tsamwa. Mufaro wakapera mushure mekuona chikwata chavo chichirohwa 1-0 nemaEagles eku Mali.
Zimbabwe yakatadza kunwisa kana chibodzwa chimwe chete kunyangwe hazvo paive nemikana yakawandisa yavakawana yekugowesa zvibodzwa. Mumutambo wekutanga Zimbabwe yakakundwawo neZambia 1-0.
Kukundwa neMali kwasiya Zimbabwe iri pasi pasi mumamiriro egungano rezvikwata zvina zviri mu Group D.
Apo Mali yave nemapoinzi mana, Zambia yave muma kota fainari nemapoinzi matanhatu, zvave kureva kuti Zimbabwe haichakwanisa kuenderera mberi mumakwikwi aya kunyange ikakunda mumutambo wavo wasara neUganda sezvo vanopedza vaine mapoinzi matatu.
Asi muZimbabwe hapana kubvimirana muvatsigiri venhabvu kuti chii chaicho chakakonzera kuti maWarriors anyadzise kudai
Vamwe varikuti gadziriro yemaWarriors yanga isina kumira zvakanaka. Vamwewo ndivo vari kuti murairidza Kalisto Pasuwa haana ruzivo rwekurairidza chikwata ichi mumakwikwi epamusoro soro akadai.
Asi vamwewo vanoti vatambi vemuZimbabwe varikure zvikuru nevekune dzimwe nyika munyaya dzenhabvu vachitarisa ivo matambiro avakaita kuCHAN.
Mumwe mutsigiri wenhabvu VaBevan Gonese vanoti pamusoro pevatambi vasingagone ava, kukundwa kwemaWarriors kwakakonzerwa zvekare nekushaya gadziriro yakakwana.
Imwe nhengo yeWarriors Fan Club VaTongesai Matapure vanotenderenawo naVaGonese vachiti zvese izvi zvakakonzereswa nehutungamiri huripo weZifa uwo vanoti hauzivi nezvenhabvu.
Asi VaMatapure havana zvekare mashoko akanaka kumurairidzi wechikwata ichi Kalisto Pasuwa uyo vanoti aipererwa zvekuti haafanire kurairidza chikwata ichi mumakundano enhabvu yepamusoro akadai.
VaWashington Chinyika vanotiwo zvekare chikwata chemaWarriors chinofanira kugadziriswa kutanga kuna Pasuwa vachiti ivo aitambisa vatambi vake munzvimbo dzisiriidzo
MaWarriors atarisana nedambudziko rekuti vangangobuda vasina kana poindi imwechete sezvo pasina chivimbo chekuti vanga kunde mumutambo wavo wekugumisira uyo varikusangana neUganda neChitatu.
VaGonese vanoti havasi kuona chikwata ichi chiine chachichabuda nacho pamutambo weUganda uhu.
Ikozvino maWarriors ave kuisa pfungwa dzavo kumakundano e2017 Africa Cup of Nations ayo vari mugungano rimwe chete neSwaziland, Guinea, neMalawi.
Parizvino maWarriors ari pamusoro vakabatana neSwaziland nemapoinzi mana. Guinea neMalawi dzine poindi imwe chete.
Kunyange zvakamira zvakadai, vamwe vateveri vemutambo uyu havasisina chivimbo chekuti maWarriors anokunda mugungano risina kunyanyooma iri.
|
CHAN Group D Standings | ||||||
|
Pos. |
Team |
Played |
Won |
Drawn |
Lost |
Points |
|
1 |
Zambia |
2 |
2 |
0 |
0 |
6 |
|
2 |
Mali |
2 |
1 |
1 |
0 |
4 |
|
3 |
Uganda |
2 |
0 |
1 |
1 |
1 |
|
4 |
Zimbabwe |
2 |
0 |
0 |
2 |
0 |