Accessibility links

Breaking News

VaChiyangwa Vofarirwa Zvino Zvichitevera Mabatiro Avakaita Pasuwa neChikwata Chake?


Mutungamiri mutsva weZimbabwe Football Association, Zifa, VaPhillip Chiyangwa, vave neshamwari itsva dzakawanda kubva muvanhu vakanga vasingavatsigire kuti vave mutungamiri weZifa zvichitevera mabatiro avari kuita maWarriors.

Mutungamiri mutsva weZimbabwe Football Association, Zifa, VaPhillip Chiyangwa, vave neshamwari itsva dzakawanda kubva muvanhu vakanga vasingavatsigire kuti vave mutungamiri weZifa zvichitevera mabatiro avari kuita maWarriors.

Vamwe veveruzhinji vainge vasingade VaChiyangwa pachinzvimbo chemutungamiri weZifa, vave kufunga nepamwe mwedzi mumwe chete VaChiyangwa vapinda panyanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvinotevera rufaro rwuri mukamba yemaWarriors ayo asiri kugunun’una nepaari kugara kana zvaari kudya kana michovha yekuaendesa kwaanogadzirira ari sezvo izvi zvakagadziriswa.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti pari zvino VaChiyangwa vabata basa ravo nemazvo.

Murairidzi wechikwata ichi, Kalisto Pasuwa, akatambiriswa mari yake yemuhoro yemwedzi wapera uyezve vatambi vemaWarriors vakatambidzwa mari dzavo yekuve mukamba.

Pamusoro pezvo vatambi ava vakavimbiswa mazimari mazhinji kana vakanotamba zvakanaka kumaAfrica Nations Championships (Chan) ayo ariko mwedzi uno, mari yacho ichinzi iripo kare.

Mutsigiri weDynamos, VaSamuel Machando, vanotenderana naVaChiyangwa kuti vatambi vanofanira kupihwa mari kana vachinge vaita basa ravo nemazvo.

VaChiyangwa vari kuedza nepese pavanogona kuratidza veruzhinji kuti ndivo vanokodzera kutungamira sangano renhabvu iri.

Svondo rapera VaChiyangwa vaive kunhandare inogadzirira maWarriors uyezve vakatora vakomana ava kuenda kunodya kwemasikati izvo zvisina kubvira zvaitwa naVaCuthbert Dube apo vaitungamira sangano iri.

Kune vamwe saVa Munasha Mageza avo vanoti VaChiyangwa vakaramba vakadai, vanofanira kuzopihwa mamwe makore mana kana nguva yavo yaikozvino yapera.

VaChiyangwa vachange vari muhofisi kusvika mugore ra2018 sezvo vari kupedzisa nguva yaVaDube avo vakadzingwa basa neZifa Council muna Gumiguru.

Asi VaKambamura vanoti VaChiyangwa vasafadze vanhu kwenguva pfupi sezvo rwendo rwezvikwata zvenyika ruri refu.

Chikwata chemaWarriors chiri kutarisirwa kusimuka chakananga kuRwanda kuma Africa Nations Championships nemusi weSvondo. Makundano aya ari kuitwa kubva musi wa 16 Ndira kusvika musi wa 7 Kukadzi.

Pamakwikwi akapedzisira kuitwa muSouth Africa muna 2014, Zimbabwe yakapedza iri pachinhanho chechina.

XS
SM
MD
LG