Accessibility links

Breaking News

Mitambo Yakawanda ya2015 Haina Kufadza Vatsigiri Zvakanyanya.


Dynamos vs Highalnders
Dynamos vs Highalnders

Gore ra 2015 iro riri kupera neChina pakati pehusiku, ranga rakaoma zvikuru munyaya dzemitambo muZimbabwe.

Kubva kumutambo wekiriketi tichienda mumutambo wenhabvu, todarika nemurugby pamwe nemutenisi, gore ra 2015 ranga rakaoma zvikuru kuzvikwata zvenyika izvo zvairohwa zvinonyadzisa.

Ichokwadi kuti maMighty Warriors akafadza veruzhinji mushure mekukwanisa kubudirira kuenda kuma2016 Olympic Games.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi tichinyatsotarisa, hapana chinoshamisira chavakaita sezvo vakangokunda zvikwata zviviri chete, Zambia neCameroon munzira yekuenda kuma Olympics mushure mekunge Equatorial Guinea yabuda mumakwikwi aya.

Asi zviripo ndezvekuti chikwata ichi chichange chiriko kuchaungana shasha dzemitambo gore rinouya izvi zvakafadza gurukota rezvemitambo, VaMakhosini Hlongwane.

Kune vamwewo vakadadisa asi ava vatambi vakabva mumitambo yekuzvimirira vega yakaita seswimming, bodybuilding, Special Olympics pamwe neboxing.

Kirsty Coventry akawana menduru nhatu kuma 2015 All Africa Games akaitirwa kuCondo Brazzavile. Helen Costa Sinclair akanokunda mumakundano ezvekuvaka muviri eMs International neMs Universe ayo akaitirwa kuItaly.

Izvi zvakaita kuti vapihwe mukombe we Sportsperson of the Year, uyo unopihwa mutambi anenge arura kukunda vese pagore uyezve nemari inosvika zviuru zvishanu zvemadhora.

Ukuwo Charles Manyuchi akakwanisa kudzivirira mukombe wake weWorld Boxing Council Silver belt mushure mekuwisira pasi Gianlucca Freeza mumba make kuItaly.

Hanzvadzi yaManyuchi, Jacqueline anodada nezvakaitwa naCharles achiti iye aizviziva kuti Charles achanokunda zvinoyevedza.

Kwakave nekufara zvekare kuvatambi veZimbabwe veSpecial Olympics avo vakaenda kumakundano e2015 World Games kuLos Angeles kuAmerica.

Vatambi ava vakadzoka vaine menduru gumi nembiri dzaisanganisira nhatu dzegoridhe, nhatu dzesirivha pamwe nenhanhatu dzebronze.

Elizabeth Moyo ndiye mumwe wevatambi vakaendako ndokuuya nemenduru yebronze.

Mhepo yakafambawo zvekare muhutungamiri wemitambo ikatakurawo mutungamiri weZifa, VaCuthbert Dube, avo vakadzingwa basa neZifa Council pamwe naVaWilson Manase avo vakakundwa musarudzo yemutungamiri weZimbabwe Cricket.

VaNgoni Mukuhlani ndivo vave kutungamira Zimbabwe Cricket ukuwo VaPhillip Chiyangwa ndivo vakasarudzwa kutungamira nhabvu kunyange veruzhinji vasina kufara nemafambiro akaita sarudzo iyi.

Asi VaChiyangwa, avo vari kumhanya mhanya mushure mekusarudzwa, vakavimbisa huchi nemukaka mumakore maviri avanenge vachitungamira mutambo uyu.

Asi nhabvu yakasangana nematambudziko makukutu mushure mekurasikirwa nevaimbove vatambi vatatu, Willard Mashinkila Khumalo, Paul Gundani, pamwe naVaFreddy Mkwesha, vese vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvavo neizvo zvenyika.

Mumwe mutsigiri wenhabvu, VaDesmond Pahwaringira, vanoti nhabvu munyika yakarasikirwa zvikuru nekushaikwa kwaKhumalo uyu akambove mutevedzeri wemurairidzi wemaWarriors.

Asi munhandare, chikwata chekiriketi chakanyadzisa kumakundano e2015 World Cup uko chakakwanisa kukunda mumutambo mumwe chete neUAE pamitambo mitanhatu iyo chakatamba.

Izvi zvakawedzerwa nekurohwa kwachaikwa chisina kana kukunda mumutambo mumwechete wezuva rimwe nePakistan pamwe neBangladesh izvi zvikazowedzerwa nekurohwa nechikwata chisina mukurumbira cheAfghanistan.

Pari zvino, Zimbabwe yakarohwa 2-0 neAfghanistan mumitambo mishanu yezuva rimwe iyo vari kutamba kuUAE.

Chikwata cherugby chemasevens chakakoniwa kubudirira kuenda kuma 2016 Olympic Games mushure mekurohwa 17-19 neKenya mumitambo ichangibva kuitwa muSouth Africa Johannesburg.

Kuchema uku kwakawedzerwa zvekare nechikwata chenyika cheDavis Cup icho chakadamburwa pamusha 5-0 neBosnia-Herzegovina muEuro-Africa Zone Group Three.

Asi chikwata ichi chiri kuramba chiri muEuro-Africa Zone Group Three gore rinouya mushure mekunge chakazorovawo Moldova 5-0 munhandare yeHarare Sports Club.

Kwakashaya mufaro zvekare mumutambo wenhabvu apo chikwata cheFC Platinum chakatadza kusvika mumini league stage yeCaf Confederation Cup. Chikwata ichi chakabudira munharaunda yechipiri apo chakadamburwa 4-2 neYoung Africans yekuTanzania.

XS
SM
MD
LG