Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZimbabwe Warriors Vogunun'una Nekuita Mangange neSwaziland muMakwikwi eAfrica Nations Cup.


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

MaWarriors emuZimbabwe nemusi weChishanu akatadza kuita zvanga zvichitarisirwa neveruzhinji mushure mekuita mangange neSwaziland.

Zvikwata izvi zvakaita mangange 1-1 izvo zvasiya Swaziland ichiramba iri pamusoro mugungano regroup L remunzira yekuenda ku2017 Africa Cup of Nations.

Veruzhinji avo vakaungana munzimbo dzakasiyana siyana kuona mutambo uyu paterevhizheni vakashamisika apo Swaziland yakatanga kunwisa, Zimbabwe ndokuzobatsirwa nechibodzwa chakanwisa nemutambi weSwaziland.

Asi Zimbabwe yakazopona nepaburi retsono apo Swaziland yakanga yave kuuya zvakasimba mutambo wave kupera zvekuti murairidzi wechikwata ichi Kalisto Pasuwa anofanira kutenda mubati wepegedhe Tatenda Mukuruva uyo aita mashiripiti.

Izvi zvave kureva kuti zvikwata zviviri izvi zvave nemapinzi mashanu, Swaziland ichiramba iripamusoro nekuti yakanwisa zvibodzwa zvakawanda.

Muongorori wezvemitambo VaEvans Ngwere vanoti vanga vasingatarisire kuti Zimbabwe ingaite mangange nechikwata chisina mukurumbira ichi.

Mutsigiri wenhabvu VaSamuel Chibvongodze avo vakange vachiona mutambo uyu vari mumusha weWarren Park vanoti vakarwadzikana nezvaitika asi varikutarisira kuti Zimbabwe ichakunda neMuvhuro mumutambo wechipiri.

Zimbabwe ikakunda neMuvhuro inenge yasiya Swaziland nemapoinzi matatu zvekuti inenge yave kutarisirwa kubudirira kuenda kuGabon muna 2017.

Ikapedza neSwaziland, Zimbabwe ichasangana zvekare neGuinea pamwe neMalawi.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG