Accessibility links

Breaking News

VaChiyangwa Vosimudzirwa Demo paHuro Zvichitevera Kutengeswa kweMitambo yeZimbabwe Warriors


VaPhillip Chiyangwa
VaPhillip Chiyangwa

Vaimbova mukuru wekumahofisi eZifa, Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vakaregererwa naVaChiyangwa, mushure mekumbodzingwa munhabvu, vave kupomerwa zvakare mhosva yekutengesa mitambo yechikwata chemaWarriors.

Mutungamiri weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaEddie Nyatanga, vanoti vese vari kubatwa nemhoswa dekutengesa mitambo vanofanira kukandwa mujeri.

VaNyatanga vanoti hutungamiri hweZifa, pasi paVa Phillip Chiyangwa, hwakakanganisa apo vakaregerera avo vakambobatwa nemhoswa dzekutengesa mitambo muongororo yakaitwa naVaCuthbert Dube, avo vaimbove mutungamiri weZifa.

Vaimbova mukuru wekumahofisi eZifa, Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vakaregererwa naVaChiyangwa, mushure mekumbodzingwa munhabvu, vave kupomerwa zvakare mhosva yekutengesa mitambo yechikwata chemaWarriors.

VaNyatanga vanoti mukuedza kusandura zvakaitwa naVaDube, VaChiyangwa nevamwe vavo vakatowedzera kukanganisa zvekuti vanofanira kukumbira ruregerero mukubuditsa murutsva avo vaimbinge vabatwa nemhoswa panguva yeAsiagate

VaNyatanga, avo vanga vachitungamira sangano revatsgiri venhabvu kwemakore anodarika makumi maviri apfuura, vanoti vese vachabatwa vaine mhosva iko zvino vanofanira kukandwa mujeri.

Asi Zimbabwe haina mitemo inoenderena nezvekutengeswa kwemitambo.

VaChaan Sankatan vekuSingapore ndivo vanonzi vanga vachishanda nevemuno nevamwe vekuSouth Africa kuti vatengese mitambo yemaWarriors neiyo yemuAbsa Premiership kuSouth Africa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZifa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Zvakamira zvakadai, mutambo waiveko hauna kupera zvinofadza apo chikwata chemunyika cheHarare City chakarohwa 2-1 neZanaco yekuZambia mumakiwikwi eCaf Confederation Cup akatambirwa mu Rufaro Stadium neMugovera.

Chikwata ichi chaive chakarohwa 2-0 mutambo wave kunopera apo Ronald Chitiyo akanwisa kuti Harare City irambe ichine tariro.

Murairidzi wechikwata cheHarare City, Taurayi Mangwiro, anoti chikwata chake hachina kutamba sezvaitarisira.

Asi Mangwiro anoti vachine tarisiro yekuti vanonokunda apo vachaenda kuZambia.

Asi mumwe muteveri wechikwata ichi, VaTichaona Mushokori, vanoti vari kuona zvakaoma kuti maSunshine City Boys anobudirira kuZambia ikoko.

Muteveri wechikwata cheDynamos, VaTafadzwa Mutizira, vanotenderanawo naVaMushokori vachiti ivo pave neHarare City ikozvino paoma.

Munyaya dzekiriketi, chikwata cheZimbabwe chiri munzira kudzoka kumba mushure mekubuditswa mumakundano eTwenty 20 World Cup.

Chikwata ichi chakabanzurwa nemaranzi makumi mashanu nemapfumbamwe neAfghanistan mumutambo wavo wekugumisira munharaunda yekutanga.

Vatambi veZimbabwe vave kudzoka vachizoona zvimwe zvikwata zvichitamba paterevhizheni, sezvo ivo vachange vasiri munhandare kudzamara mitambo iyi yapera.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG