Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu yeCastle Premier Soccer League Yotanga


Dynamos vs Highalnders

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kupfungaira hutsi svondo rino kuchitarisirwa machikichori enhabvu mumwedzi misere inotevera

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kupfungaira hutsi svondo rino kuchitarisirwa machikichori enhabvu mumwedzi misere inotevera.

Mugadziriro yemwaka uno, zvikwata zvakawanda zvanga zvichimhanya-mhanya kutenga vatambi vatsva, zvimwe zvakaita seDynamos neHighlanders zvikaenda mhiri kwemakungwa kunotsvaga varairidzi vatsva.

Asi murairidzi mutsva weDembare wacho, Jorge Silva, ari kutanga nemutambo mukukutu apo vari kusangana nechikwata chiri kubhebha uyezve chiri icho chine mukombe weligi uyu cheChicken Inn muBarbourfields Stadium neMugovera.

Mutambo uyu uri kuratidza kuti uchakwezva vanhu vakawanda zvikuru mushure mekunge Chicken Inn yakaratidza kuti haisi yekudherera zvekare gore rino mushure mekutamba zvinodakadza muCaf Champions League neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa.

Muongorori wenhabvu, VaPhibion Munamati, vanoti vachitarisa zvanga zvichiitika panguva yezororo vari kuona maGame Cocks achitora zvekare mukombe wakakosha uyu.

Dynamos yacho haisi kuzivikanwa mamiriro ayo gore rino pamusoro pekuti ine murairidzi mutsva Silva uyo akatsiva Tonderai Ndiraya akasiiswa basa mukupera kwegore rapera atadza kutora kana mukombe mumwe chete.

Sachigaro wechikwata ichi, VaKeni Mubaiwa, vanoti Silva akasakunda mumitambo mina yekutanga anosiiswawo basa sezvakaitwa Ndiraya.

Asi sachigaro Dynamos Supporters Association, VaChristopher Mandizha, vanoti hapana chinotadzisa Dynamos kutora mukombe weligi uyu gore rino.

Mutambo weChicken Inn neDynamos ndiwo uri kunyanyo taurwa nazvawo pamitambo yemangwana asi Boarder Strikers iyo ichangopinda muPremier League gore rino iri munzendo refu yakananga kuKariba kunosangana neZPC.

Murairidzi weZPC , Sunday Chidzambwa, ajairira Kariba mushure mekunge aimboshanda kuSouth Africa uyezve anoti vari kutarisira kuita zviri nani gore rino pane zvavakaita mwaka wapera.

Pane mimwe mitambo iriko neMugovera zvekare apo FC Platinum ichange iri pamusha neTsholotsho Pirates asi mutambo pakati peMutare City ne Ngezi Platinum hausati waziviswa nhandare uyezve kuti uchaenderera mberi here.

NeSvondo maGreen Machine eCaps United achange ari muNational Sports Stadium apo vari kusangana neChapungu panguva iyo Harare City inenge iri murwendo yakananga kuTriangle.

Kunyange hazvo vanga vachinetseka kukunda maSugar Sugar Boys pese pavanga vachishanyako, murairidzi weHarare City anoti mushure mekutamba muCaf Confederation Cup haasi kuona vachinetseka kurova Triangle.

Highlanders, iyo iri kubhebha moto mushure mekusvika mufainari yeZimbabwe National Army Charities Shield, iri kusangana neshumba yekuHwange apo vari kubandana muColliery.

Tichitarisa mamiriro anga achiita gadziriro panguva yezororo, zviri kuratidza kuti zvikwata zvikuru zvakaita seChicken Inn, Highlanders, Dynamos, FC Platinum pamwe neCaps United, ndizvo zvingangorwira zvekare mukombe weligi.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG