Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Chevrons Yotatarika Zvichitevera Kukundwa neAfghanistan


Afghanistan cricket team vs Zimbabwe
Afghanistan cricket team vs Zimbabwe

Vatsigiri vekiriketi vari kuvava mushure mekudamburwa kwemaChevrons nechikwata chepasi pasi cheAfghanistan.

Vatsigiri vekiriketi vari kuvava mushure mekudamburwa kwemaChevrons nechikwata chepasi pasi cheAfghanistan.

Kubva kuna Zambezi kusvika kuna Limpopo, vemumhuri yekiriketi vari kudya marasha mushure mekunge chikwata chavo nezuro chakarohwa nemaranzi makumi masere nemaviri nechikwata chepasi pasi cheAfghanistan, ndokukundwa 2-0 mumitambo miviri yemaT20.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvauya mushure mekunge maChevrons akarohwa zvekare nechikwata chisina mukurumbira ichi 3-2 mumitambo mishanu yezuva rimwe.

Muongorori wemutambo wekiriketi, VaShingirirai Miti, vanoti zvaitwa nechikwata chemaChevrons izvi zvinonyadzisa zvikuru.

Kukundwa uku kwasiya Zimbabwe yawira pasi muhurongwa hwekiriketi pasi rose sezvo vave pachinzvimbo chegumi nembiri uye pasi pasi mumamiriro emaworld rankings ezvikwata gumi nezviviri.

VaMiti vanoti izvi hazvisi kuvashamisa sezvo mudzimba havachabvunzwa kuti Zimbabwe yatamba sei asi kuti yadyiwa ngani.

Mumwe mutsigiri wechikwata ichi, VaTonderai Muchafara, vanoti chikwata ichi chinofanira kupunzwa kovakwa chikwata chitsva kubva kune vechidiki avo vavanofunga kuti vane shungu dzekubudirira.

Asi sachigaro weZimbabwe Cricket, VaTawengwa Mukuhlani, vanoti vane hurongwa hwekutsvaga vatambi veZimbabwe vari kutamba mune dzimwe nyika kuti vawedzerwe pachikwata chiripo pari zvino kuti chisimbe.

VaMiti vanoti kana zvekudzinga chikwata chese zvaramba, panofanira kubviswa vatambi vari kunyanya kutatarika votsiviwa neavo vechidiki vari kuratidza shungu.

Nematambiro avari kuita pari zvino, pave nenjodzi yekuti maChevrons angangotadza kubudirira kuenda kumakundano e2019 World Cup

MaChevrons, ayo aingoenda kumaWorld Cup asina kutamba makundano emunzira yekuendako, vave kufanira kurwira mukana wekuendako kumakwikwi aya mushure mekusandurwa kwemitemo neveInternational Cricket Council.

Mutemo mutsva wavepo unoti England, pamwe nezvikwata zvisere zvinenge zviri pamusoro patafura yemaODI rankings, ndizvo zvinobudirira kuenda kumakundano aya zvisina kurwira nzvimbo.

Zvimwe zvikwata zvinenge zviri pasi muhurongwa hwema rankings aya, zvinorwira nzvimbo yakuenda kuWorld Cup nezvikwata zvinobva muICC World League nemuICC World Championships.

Mumwe muteveri wemutambo uyu, VaLawrence Mushambadope, vanoti nemamiriro akaita zvinhu, vemuZimbabwe vanofanira kukangwanwa zvekuenda kuma2019 World Cup.

Pari zvino, maChevrons ananga kuBangladesh uko vachanotamba mitambo mina yemaT20 kutanga Chishanu.

Vusi Sibanda naBrian Vitori avo vasina kuenda kunotamba neAfghanistan vadaidzwa kunotamba mitambo iyi.

XS
SM
MD
LG