MuHarare munoita mhirizhonga inotyisa pakati pemapurisa nevemapato anopikisa vari kuda kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe.
.Kunyangwe hazvo kugadzwa kwaVaNelson Chamisa ve MDC-T semumwe mutevedzeri wemutungamiri webato iri naVaMorgan Tsvangirayi kwakakonzera mutauro, VaChamisa vanoti hazvina kuvadzikisira sezvo zvakaitwa pamutemo webato ravo.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri MuAmerica amai Tanya Spandla vanogara muMaryland vanoti vakawana nzvimbo yekurima uye vari kuwana rutsigiro kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica zvinofarira miriwo yakaita nemuboora nenyevhe
Nyanzvi munyaya dzezvezvirwere zvepfungwa Dr Sekai Nhiwatiwa vanoti vakwegura vakawanda vari kubatwa nechirwere chekurasika pfungwa uye zvakakosha kuti vawanirwere rubatsiro.
Mapato anopikisa ari pasi peNational Election Reform Agenda kana kuti NERA osangana muHarare kuzeya nezvekuratidzira kuri kuitwa nemusi weChishanu muHarare kwakanangana nemitemo yesarudzo.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vokundikana kuenda kuGhana sezvange zvakatarisirwa pasina chikonzero chiri kupinhwa nehurumende.
Vanotungamira sangano re#ThisFlag pastor Evan Mawarire avo vari muno muAmerica parizvino vanoti vave kumboenda muhupoteri kwechinguva vachityira hupenyu hwavo nehwemhuri yavo.
Sangano re Shamwari yeMwanasikana nhasi yaparura chirongwa chekudzidzisa vakomana nevarume kukosha kwakaita kuremekedzwa kwekonzero dzevanasikana.
Vagari vekuNyanga South varikukurudzirwa kuti vaende kumakiriniki emudunhu mavo kupera kwesvondo rino uya apo pachange pane vanachiremba gumi neshanu vachange vari mudunhu mavo vachirapa nekupa mishonga pachena.
Vanhu votaura maonero avo panyaya yemusangano wakaitwa nevanopikisa VaMorgan Tsvangirai veMDC-T naAmai Joice Mujuru veZimbabwe People First muGweru.
Mutuhwini ane mukurumbira Kirsty Coventry arikutarisirwa kutihwina nhasi manheru mufinal yemumakwikwi e 200m backstroke achitsvaga mukana wekuwana menduru ku 2016 Rio Olympics arikutitwa kuBrazil.
Mutuhwini ane mukurumbira Kirsty Coventry akwanisa kupinda muma semi-finals emakwikwi ekutihwina ne 200m backstroke akawana mukana wekuenda kuma semi-finals
Vachitaura pazuva remagamba nhasi, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vati vanhu vanofanira kuratidzira murunyararo uye havasi kuzorega vanhu vachibvisa hurumende yavo pachigaro vachishandisa mhirizhonga.
Sangano reZimbabwe Olympics Committee rinoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka muvatambi vari kumirira nyika kumaOlympics kuBrazil uye vakatarisira kuvhurwa kwemitambo iyi nemusi weChishanu.
Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai votungamira kuratidzira kwebato ravoo kuMasvingo mangwana vachiti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Sangano re Plan International rinoti chirongwa charo chekuyedza kurwisa chirwere chemalaria nekupa vanhu mambure kana kuti mosquito nets ekushandisa chirikufamba zvakanaka uye chirikubatsira mukudzikisa huwandu hwevanhu varikubatwa nechirwere ichi.
Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano rezimbabwe National Liberation War Veterans Association vavictor Mahiya vomiswa pamberi pedare uku mapurisa achisunga munyori mukuru wesangano iri vavictor Matemadanda
Muimbi Jah Prayzah oridza kekutanga muAmerica umo ariku tarisirwa kufadza zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumaguta anoti Dallas, Texas, Washington DC ne Indiana asati aenda kuCanada.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muNew York zvirikutarisirwa kusangana muguta iri apo pachaitwa mabiko nemitambo yakasiyana siyana zvekucherechedza tsika nemagariro ekumusha.
Rodhai zvimwe