Accessibility links

Breaking News

Vagari Veku Nyanga Vokurudzirwa Kuti Vaende Kumakirinika Avo Svondo Rinouya Kuti Vawone Vana Chiremba Pachena


VaSupa Mandiwanzira
VaSupa Mandiwanzira

Vagari vekuNyanga South varikukurudzirwa kuti vaende kumakiriniki emudunhu mavo kupera kwesvondo rino apo pachange paine vanachiremba gumi nevashanu vachange vari mudunhu mavo vachirapa nekupa mishonga pachena.

Chirongwa ichi chakarongwa nemumiriri wavo mudare reparamende vari nhengo yeZANU PF VaSupa Mandiwanzira vachishanda naDr Addmore Jokwiro vanova mukuru wavana chiremba mudunhu reNyanga.

Dr Jokwiro vanoti pane vana chiremba ava vachange vachibva kumaguta akasiyana siyana musi weMugovera neSvondo 27-28 mwedzi uno.

Dr Jokwiro vanoti zvirwere zviri kunyanya kunetsa mudunhu ravo ndezve shuga, high bloodnhengo dzevarume.

"Tiri kukurudzira veruzhinji vane varwere muNyanga kuti vauye kumakiriniki ari pedyo navo apo pachange pane vana chiremba vachange vachiwongorora vanhu nekuvarapa nekuvapa mishonga pachena," Dr Jokwiro vaudza Studio 7.

Hurukuro NaDr Addmore Jokwiro
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG