Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Muvhuro, Nyamavhuvhu 08, 2016

Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vachitaura pazuva remagamba nhasi, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vati vanhu vanofanira kuratidzira murunyararo uye havasi kuzorega vanhu vachibvisa hurumende yavo pachigaro vachishandisa mhirizhonga.

Vesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vorega kuenda kuHeroes Acre kuno cherechedza zuva remagamba.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvoratidzira kuBeitbridge zvichiti hazvisi kufara nekurambidzwa kupinda nezvinhu zvinotengwa kunze kwenyika.

Hurumende yoshorwa nekuda kudzivisa vanhu kuti vasashandise nharembozha dzavo vachiti makambani anoita zvenharembosha adhurise mari dzemitero.

Mutinhwini ane mukurumbira muZimbabwe Kirsty Coventry nhasi mangwanani atadza kusvika mufainari e100 metre backstroke.

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa zuva remagamba kana kuti Heroes Day.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa Short Wave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Nyamavhuvhu 08, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG