Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Nyamavhuvhu 01, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano rezimbabwe National Liberation War Veterans Association vaDouglas Mahiya vomiswa pamberi pedare uku mapurisa achisunga munyori mukuru wesangano iri vaVictor Matemadanda

ZIMRA inoti yakundikana nezvikamu zvitanhatu kubva muzana kusvitsa mari yemitero yavange vakatarisira kuwana.

Vechidiki veMDC-T vorohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Plan International yopa vanhu mambure kana kuti mosquito nets ekudzivirira malaria.

Tichakupai zvakabuda mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer League mukupera kwesvondo.

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekusungwa kwevarwi vehondo yerusununguko vachinzi vapandukira mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kustudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Nyamavhuvhu 01, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG