Sangano reAmnesty International riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dza Pastor Evan Mawarire, avo vakatanga hurongwa hwe #Thisflag nekusavasunga pavanodzokera kumusha.
Nyanzvi mubazi rezvehutano, Doctor Angela Mushavi vanoti pari zvino nyika iri mushishi kuyedza kuderedza huwandu hwekutapuriranwa kwehutachiwana kubva pazvikamu zvinomwe kubva muzana kusvika pazvikamu zvishanu kubva muzana
Vechidiki vebato rinopikisa reMDC T vanotarira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nguva yekuti vange vabuda muhofisi, vachitiwo mwedzi waNyamavhuvhu uchave mwedzi wekuratidzira. Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti havaoni bato iri riine hudzamu hwekuita izvi.
Musangano wemazuva mashanu weInternational Aids Conference wapera muDurban South Africa neChishanu pane kurudziro yekuti vanhu vese vane hutachiwana hweHIV/AIDS vawaniswe mukana wekukwanisa kuwana mishonga yema ARV zviri nyore.
VaStrive Masiyiwa vopembedzwa nekuchingamidza mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama pamusangano webudiriro wakaitwa kuWhite House.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muCanada zvinoti zviri kuronga kuratidzira uye kuendesa tsamba yenyunyuto kumunyori mukuru weUnited Nations vaBan Ki Moon. Mumwe wevari kuronga izvi muzvare Francisca Mandeya vanoti vachabatana nevamwe munyika iyi nemugovera voenda kunoratidzira kumuzinda we Zimbabwe munyika iyi.
Pazuva rechipiri remusangano wekudoma shoroma vaDonald Trump semunhu achamirira bato iri musarudzo dzekutsvaga mutungamiri we America dzichaitwa muna Mbudzi gore rino, mudzimai wavo amai Melania ndivo vari pamuromo wemunhu wese zvichitevera kutaura kwavakaita nezuro manheru pamusangano uyu apo vanonzi vakatora mamwe mashoko akamboshandiswa.
Vari kutungamira hurongwa hwe #Thisflag, Pastor Evan Mawarire, vari muSouth Africa umo vari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvoratidzira munyika dzakasiyanasiyana, panguva iyo Pastor Evan Mawarire ve#TagThisFlag vari kusangana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vadoma VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa sevatevedzeri vavo.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chirimu America parizvino pasi pechirongwa che Mandela Washington Fellowship For Young African Leaders uye chiri nhengo yemubatanidzwa weTajamuka vaSamuel Wadzayi varikukurudzira kubatana kwemapoka arikuita zvekuratidzira munyika.
Sangano reZimbabwe Olympics Committee rinoti gadziriro yemakwikwi eOlympics ayo achatanga mwedzi unouya kuBrazil iri kufamba zvakanaka uye vakawana rutsigiro rwakakwana kuti vakwanise kuenda kumakwikwi aya.
Vanorarama nehutachiwona hwe HIV/AIDS vanokurudzirwa kuti vatore mishonga yema ARV’s pachiri nenguva kuitira kuti vazvidzivirire kubva kunezvimwe zvirwere zvakadayi sekuoona mutezo izvo zvinonzi zviri kubata vari kurarama nehutachiwona vakawanda.
VaMunyaradzi Kereke nhengo yeZanu-PF vanobatwa nemhosva yekubata chibharo.
Mapurisa anoti anoda kubvunzurudza Pastor Evan Mawarire, VaPromise Mkwananzi nevamwe nezvekuratidzira kwakaitwa munyika nemusi weChitatu.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zvinowirirana nedanho rakatorwa neruzhinji rweavo vari munyika rekuramwa mabasa nekugara kudzimba.
Sangano re Zimbabwe Nurses Association rinoti vana mukoti vazhinji varikutadza kuenda kumabasa nenyaya yekushaya mari yekufambisa nezvimwewo zvichitevera kusabhadharwa kwavo mari dzemihoro dzemwedzi wapera nehurumende.
Zvinhu munyaya dzezvehutano munyika hazvina kumira zvakanaka zvichitevera kuramwa mabasa kwavanachiremba nekuramba kwavo kutambira mamedical aid cards.
MuHarare munoita mhirizhonga inotyisa pakati pevanhu nemapurisa munzvimbo dzakawanda
Poita mhirizhonga pabhodha reBeitbridge vanhu vachiti havasi kufara nedanho rehurumende rekurambidza kupinda munyika zvimwe zvinhu zviri kutengwa kubva kuSouth Africa.
Rodhai zvimwe