Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba, Vana Mukoti neVarairidzi Voenderera Mberi neKuratidzira


Munyori mukuru mubazi rezvehutano Dr Gerald Gwinji vanyora tsamba kumukuru wemauto General Constantine Chiwenga vachikumbira vanachiremba, vanamukoti nevanoshanda kumahofisi ekuvheneka zvirwere kana kuti medical laboratory scientists muchiuto kuti vauye kuzobatsira kurapa varwere.

Izvi zvinotevera kuramwa mabasa kwavanachiremba navamukoti mushure mekunge hurumende yakundikana kuva bhadhara mari dzavo dzemari yemihoro yemwedzi wapera.

Mutsamba iyi Dr Gwinji vakati vachapa vari kubva muchiuto ava mari dzekufambisa, pekugara uye mari yekubatsirikana. Vari kubva kumauto ava vachaendeswa kuzvipatara zvikuru zvemuHarare neBulawayo.

Zvichakadaro, sangano re Zimbabwe Nurses Association rinoti vana mukoti vazhinji varikutadza kuenda kumabasa nenyaya yekushaya mari yekufambisa nezvimwewo.

Kune rimwe divi sangano re Apex Council raudza Studio 7 kuti dambudziko iri riri kubatawo vashandi vehurumende vazhinji kunyanya vadzidzisi vanonzi vakandawo mapadza pasi.

Munyori mukuru musangano re Zimbabwe Nurses Association VaEnock Dongo vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvinhu nechimbi chimbi sezvo kusakwanisa kuenda kumabasa kwavana mukoti kuchinyanya kubata varwere.

"Vana mukoti vakamirira kunzwa kubva kuhurumende kuti nyaya dzemari dzichafamba seyi sezvo vachida kubatsira varwere asi havana mukana wekuenda kubasa sezvo vasina muhoro hwavo wemwedzi wapfura. Mari yakapihwa vana mukoti yema $100 yakadyiwa nezvikwereti mumabhanga avanobhenga navo," VaDongo vaudza Studio 7.

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Fortune Nyamannde vanoti vanachiremba havakwaniseo kuenda kumabasa vasina mari.

Hurukuro NaVa Enock Dongo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG