Accessibility links

Breaking News

VaBarack Obama Vokurudzirwa Kuti Vapindire paNyaya yeKutyorwa kweKodzero dzeVanhu muZimbabwe

Samuel Wadzai
Samuel Wadzai

Chizvarwa cheZimbabwe chirimu America parizvino pasi pechirongwa che Mandela Washington Fellowship For Young African Leaders uye chiri nhengo yemubatanidzwa weTajamuka VaSamuel Wadzayi vari kukurudzira kubatana kwemapoka ari kuita zvekuratidzira munyika kuitira kuti zvinhu zvishanduke.

VaWadzai vanoti vachashandisa mukana wavachawana wekuuya kuWashington DC kunosangana nemutungamiri weAmerica vaBarack Obama kuti vataure pamusoro pematambudziko arikutarisana nenyika parizvino.

VaWadzai vanoti varikushungurudzwa nemapurisa avo vari kupomera mhosva yekutyora kodzedzero dzevanhu. Vatiwo havana mufaro nekusungwa kwaPastor Evan Mawarire mutungamiri weHash Tag This Flag avo vazoregererwa.

"Shuwiro yedu sevechidiki ndeyekuti vatungamiri venyika dzakadayi se America VaBarack Obama vawanikwe vachiwedzera rutsigiro rwavanopa nyika dzakaita seZimbabwe yakatarisana nematambudziko akawanda pamusoro pekushaikwa kwehutongo hwejekerere," VaWadzayi vaudza Studio 7.

VaWadzayi vanotungamira sangano revanoita zvekutengsa zvinhu munyika vanoti matambudziko ari munyika anokwanisa kugadzirisika kana hurumende yaVaRobert Mugabe ikasiya basa sezvo vatadza kuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi hwenyika. Vati izvi zvirikukonzerwa nenyaya yehuori.

Hurukuro NaVa Samuel Wadzayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG