VaStrive Masiyiwa vopembedzwa nekuchingamidza mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama pamusangano webudiriro wakaitwa kuWhite House.
Vanhu vakawanda munyika votambira nemufaro mashoko esangano revakarwa hondo ekuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vave kukundikana kutonga uye havachavatsigire musarudzo.
Vebato reZimbabwe People First vanoti nhengo dzavo dziri kushungurudzwa nedzeZanu-PF mugadziriro yadzo yemusangano uchaitwa nemutungamiri wavo Amai Joice Mujuru kuMarondera mangwana.
Masangano akaita seElection Resource Centre neZESN oenda kunoongorora sarudzo dzekuMazowe North.
Tichakupai zviri kubuda kubva kumusangano weInternational Aids Conference.
Muchirongwa cheLiveTalk na8.30 pm tiri kutarisa mashoko esangano reZimbawe National Liberation War Veterans Association ekuti VaMugabe vakundikana kutonga.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.