Pastor Evan Mawarire neveTajamuka vodaidzira kumwe kuratidzira nemusi weChitatu neChina apo vakawanda vari kunynyuta nevhidhiyo yemapurisa achirova vanhu vari muhusungwa nemboma.
VaPromise Mkwananzi mutauriri weTajanuka vanobvisiswa mari yechibatiso.
Madzimai orongawo kuratidzira muBulawayo achirova mapoto nemigoti nemusi weMugovera.
Hurumende inoramba kuzivisa vashandi vayo kuti ichavabhdha riini mwedzi uno.
Muchirongwa cheLiveTalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekutyora kodzero dzevanhu inonzi iri kuitwa nemapurisa zvichitevera kubuda kwevhidhiyo iri kuratidza mapurisa ari kurova vanhu vari muhusungwa.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.