WASHINGTON —
Ini ndini Marvellous Mhlanga Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzedu dzanhasi, Muvhuro, Chikunguru 4, 2016
MuHarare munoita mhirizhonga inotyisa pakati pevanhu nemapurisa munzvimbo dzakawanda
Vanachiremba nevamwe vashandi vehurumende votanga kuramwa mabasa.
VaAcie Lumumba vozvipira kumapurisa eHarare Central
Nhasi zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvobatana neAmerica mukupemberera zuva rekuona kuzvitonga kuzere.
Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga iri kuitika muZimbabwe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kustudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave