Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muCanada zvinoti zviri kuronga kuratidzira uye kuendesa tsamba yenyunyuto kumunyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki Moon.
Mumwe wevari kuronga kuratidzira uku ndi Muzvare Francisca Mandeya avo vanoti vachabatana nevamwe munyika iyi neMugovera voenda kunoratidzira kumuzinda weZimbabwe.
Muzvare Mandeya vanoti parizvino vave nezviuru nezviuru zvevanhu zviri kunyunyuta uye kuisa ruoko rwazvo patsamba iri kuda kuendeswa kuUnited Nations.
Muzvare Mandeya vanoti vanoita zvekuimba. Vanoti vanoita nezvezvinhu zvavanosangana nazvo muhupenyu hwavo. Muzvare Mandeya vanoti vanobatwa moyo nemabatirwo anoita madzimai anenge akazvitakura muzvipatara zvemuZimbabwe.
"Ndanga ndisingazive kuti ndine chipo chekuimba kusvika ndasangana nematambudziko mukurarama zvakandiita kuti ndinyore nzimbo nekuimba," Muzvare Mandeya vaudza Studio 7.
Zvichakadaro, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muNew York zviri kutarisira kuratidzira pamuzinda weZimbabwe uri munzvimbo iyi nemusi weChina. Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zviri kutarisirwa kuratidzira zvekare pamuzinda we Zimbabwe muWashington pakupera kwemwedzi uno.
Vanoda kuziva nezve petition tarisai pano. https://www.change.org/p/ban-ki-moon-secretary-general-of-the-united-nations-protect-zimbabweans-pursuing-their-liberation-thisflag?recruiter=575197&utm_source=petitions_share&utm_medium