Accessibility links

Breaking News

Musangano weBato reRepublican Party Unopinda Muzuva rePiri Mudzimai waVaTrump Achishorwa neVamwe Kuti Akaba Mashoko aMai Obama

VaTrump nemudzimai wavo Amai Melania
VaTrump nemudzimai wavo Amai Melania

Pazuva rechipiri remusangano wekudoma shoroma vaDonald Trump semunhu achamirira bato iri musarudzo dzekutsvaga mutungamiri weAmerica dzichaitwa muna Mbudzi gore rino, mudzimai wavo Amai Melania ndivo vari pamiromo yemunhu wese.

Izvi zvinotevera kutaura kwavakaita neMuvhuro manheru pamusangano uyu kekutanga apo vanonzi vakatora mamwe mashoko akamboshandiswa nemudzimai wemutungamiri wenyika, VaBarack Obama, Amai Michelle, muna 2008.

Vana vaVaTrump vanoti Tiffany naDonald Junior, vari kutarisirwa kutaurawo pamusangano uyu zvichi sanganisirawo mutauriri wedare reparamende VaPaul Ryan, nevakambokwikwidza musarudzo dzekutsvaga munhu achamirira bato iri VaChris Christie naVaBen Carson.

Musangano uyu uri pasi pedingindira rinonzi “Make America Great Again”.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuCleveland, kuOhio kuri kuitirwa musangano weRepublican Party uyu, Doctor Moses Rumano, vanoti zvingadzidzwe nehurumende yeZimbabwe nezvizvarwa zvayo ndezvekuti hapana chakaipa nekuratidzira kwevanhu kana zvichiitwa murunyararo.

Dr Rumano vanoti kuCleveland vari kuona veruzhinji vari kutsigira VaTrump neavo vasingavatsigire vachibvumidzwa kuratidzira murunyararo.

Doctor Rumano vanoti kupinda kwaVaTrump musarudzo yekutsvaga mutungamiri weAmerica kwakanaka nekuti kunoratidza kuti munhu wese anokwanisa kupinda musarudzo idzi.

Doctor Rumano vanoti chiri kunyanya kushungurudza zvizvarwa zvinobva kune dzimwe nyika ndechekuti havazive kuti vachabatwa seyi kana VaTrump vakabudirira kutora chigarO chekutungamiri America.

"Chiri kunyanya kutarisirwa neveruzhinji ndechekuti VaTrump vachaita seyi panyaya dze immigration, sezvo vakatyisidzira vanhu nyanye vekuMexico kuti vachava vakira mudhuri wekuti vasarambe vachipinda muAmerica," Dr Rumano vanoudza Studio 7.

Hurukuro NaDoctor Moses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG