Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi muNyaya dzezveZvirwere zvePfungwa Yokurudzira Vakwegura Kuti Vaoongorerwe Pachine Nguva


Nyanzvi munyaya dzezvezvirwere zvepfungwa Dr Sekai Nhiwatiwa vanoti vakwegura vakawanda vari kubatwa nechirwere chekurasika pfungwa uye zvakakosha kuti vawanirwere rubatsiro.

Dr Nhiwatiwa vanoti vazhinji vari kubatwa nezvirwere izvi vari kumamisha uye zvakakosha kuti vanhu vanogara nevakwegura vatarise kuti havasi kuita hanganwa dzakawanda here sezvo zviri zvimwe zveizvo zvinoratidza kuti munhu abatwa nechirwere ichi.

"Vazhinji vanotanga kuita hanganwa dzakasimba uye vanokwanisa kusanzwisisa zvinenge zvichiitika muhupenyu sezvo chirwere ichi chichikanganisa mafungiro emunhu," Dr Nhiwatiwa vaudza Studio 7.

Dr Nhiwatiwa vanokurudzira vanenge vane hama dzinenge dzatarisana nedambudziko iri kuti vavaendese kuchipatara kuti vawane rubatsiro nechimbi chimbi.

Hurukuro NaDr Sekai Nyiwatiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG