Nyanzvi munyaya dzezvezvirwere zvepfungwa Dr Sekai Nhiwatiwa vanoti vakwegura vakawanda vari kubatwa nechirwere chekurasika pfungwa uye zvakakosha kuti vawanirwere rubatsiro.
Dr Nhiwatiwa vanoti vazhinji vari kubatwa nezvirwere izvi vari kumamisha uye zvakakosha kuti vanhu vanogara nevakwegura vatarise kuti havasi kuita hanganwa dzakawanda here sezvo zviri zvimwe zveizvo zvinoratidza kuti munhu abatwa nechirwere ichi.
"Vazhinji vanotanga kuita hanganwa dzakasimba uye vanokwanisa kusanzwisisa zvinenge zvichiitika muhupenyu sezvo chirwere ichi chichikanganisa mafungiro emunhu," Dr Nhiwatiwa vaudza Studio 7.
Dr Nhiwatiwa vanokurudzira vanenge vane hama dzinenge dzatarisana nedambudziko iri kuti vavaendese kuchipatara kuti vawane rubatsiro nechimbi chimbi.