Vanotungamira sangano re#ThisFlag Pastor Evan Mawarire avo vari muno muAmerica parizvino vanoti vave kumboenda muhupoteri kwechinguva vachityira hupenyu hwavo nehwemhuri yavo.
Vachitaura pamusangano wakaitwa muWashington DC nemusi weChitatu, VaMawarire vanoti hurongwa hwekuti vambopinda muhupoteri parizvino hwakabva pakuvhundutsirwa kwavakaita nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vakavayambira kuti vagare kunze kwenyika kana vachinge vachida zvekuramba vachikurudzira veruzhinji kuti varatidzire.
“Ini ndinofarira kugara kumusha kwangu asi hupenyu hwemhuri yangu hwakakosha kukunda kudzokera kumusha uko ndisina vimbo yekuti unenge hwakachengetedzeka,” VaMawarire vakaudza Studio 7.
VaMawarire vari muAmerica umo vari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi uye varikuronga kubatana nezvimwe zvizvarwa zve Zimbabwe zvicharatidzira kuNewYork mwedzi unouya. Mutungamiri wenyika vachange vari kumusangano mukuru weUnited Nations uchange uri mugata iri.
“Tichange tichitarisira kuratidzira nemutsindo nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muno toda kuti VaMugabe vaone kuti vanhu havachavada uye havasikufara nemafambisiro avari kuita zvinhu munyika,” VaMawarire vakaudza Studio 7.