Accessibility links

Breaking News

Sangano re Shamwari yeMwanasikana Roparura Chirongwa chekuDzidzisa Vakomana neVarume Kuremekedza Kodzero dzeVanasikana

Amai Ekenia Chifamba mukuru weShamwari YeMwanasikana
Amai Ekenia Chifamba mukuru weShamwari YeMwanasikana

Sangano reShamwari yeMwanasikana nemusi weChipiri rakaparura chirongwa chekudzidzisa vakomana nevarume kukosha kwakaita kuremekedzwa kwekodzero dzevanasikana.

Chirongwa ichi chakaparurwa muHarare. Mutungamiri wesangano iri Amai Ekenia Chifamba vanoti chirongwa ichi chafamba zvakanaka uye vange vane vanyarikani vakawanda.

"Tiri kufara kuti chirongwa ichi chabudirira kuti tikakwanise kudzidzisa vanakomana vedu navana baba kuremekedza kodzere dzevanasikana," Amai Chifamba vaudza Studio 7.

Amai Chifamba vanoti pange pane vanyarikani vakawanda pagungano ravo vanosanganisira mumiriri weCanada muZimbabwe VaKumar Gupta avo vakatsinhira kukosha kwakaita kudzidzisa vanakomana nevanhurume kukosha kwekuremekedzwa kwekodzero dzevanasikana.

"Tafadzwa nerutsigiro rwatapihwa naVaGupta pagungano iri sezvo muzinda wavo uchishanda muzvirongwa zvakawanda zvinoyedza kupedza dambudziko rekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanasikana nekuroodzwa kwavo vasati vabva zera," Amai Chifamba vaudza Studio 7.

Amai Chifamba vanoti zvinotyisa kuti kubhinywa kwevanasikana kuri kuramba kuchiwanda munyika sezvo ongororo dziripo parizvino dzichiti vanasikana vanosvika gumi nemumwe chete vanobhinyiwa pazuva rega rega munyika.

Hurukuro naAmai Ekenia Chifamba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG