Varairidzi veRural Teachers Union of Zimbabwe vange vachiratidzira kwaMurehwa vosungwa nekuendeswa kudare.
Mhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara yoendesa tsamba yenyunyuto kuUnicerf iyo yakashora mhuri iyi ichiti inoshandisa vana mukuratidzira.
Vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS voratidzira kwaMutare.
Mutungamiri wePeople’s Democratic Party VaTendai Biti voshora hurumende nekudzika mutemo weStatutory Instrument 164 wa2016 uri kurambidza kupinda munyika kwezvinhu zvekunze.
Tichakupai zviri kubva kumaOlympics uko Zimbabwe ichine mukana wekuwana menduru.
Muchirongwa cheLiveTalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya iri kupomerwa mapurisa munyika yekutyora kodzero dzevanhu nekurova vanhu vari kuratidzira murunyararo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.