Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro, Nyamavhuvhu 15, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu votaura maonero avo panyaya yemusangano wakaitwa nevanopikisa VaMorgan Tsvangirai veMDC-T naAmai Joice Mujuru veZimbabwe People First muGweru.

Vakarwa hondo kuNorton vanoti vacheka ukama neZanu-PF nekudaro vari kutsigira VaTemba Mliswa musarudzo dzekuNorton.

Sangano reRural Teachers Union Of Zimbabwe rotanga kuratidzira hutungamiri hwaro huchifamba kubva kuMutawatawa mudunhu reMarambapfungwe kuenda kuHarare.

Vamwe vanachiremba vorapa vanhu pachena kuNyanga North.

Munhau dzemitambo. Mutihwini ane mukurumbira pasi rose Kirsty Coventy oenda pamudyandigere.

Muchirongwa cheLiveTalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yemusangano wakaitwa naAmai Joice Mujuru naVaMorgan Tsvangirai mukupera kwesvondo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Nyamavhuvhu 15, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG