Mapato anopikisa ari pasi peNational Election Reform Agenda kana kuti NERA osangana muHarare kuzeya nezvekuratidzira kuri kuitwa nemusi weChishanu muHarare kwakanangana nemitemo yesarudzo.
Tichazeyawo nyaya iri kupomerwa Prophet Walter Magaya yekubata chibharo.
Dare ramagistrate remuBulawayo nhasi rarasa mhosva yange yakatarisana nemamwe madzimai gumi esangano reWOZA ayo ange achipomerwa mhosva yemusarinya kana kuti criminal nuisance.
Zanu-PF yoita mhirizhonga musarudzo dzayo dzemaprimary kuNorton
Zimbabwe iri kudzoka kumba isina chayakabata kubva kuma 2016 Olympic Games akapera muBrazil nezuro. Tichakupai zvizere pamakwikwi aya nezvakabuda muCastle Premier Soccer League.
Munyaya dzezvehutano tiri kutarisa zvirwere zvinobata vanhu vakwegura.
Muchirongwa cheLiveTalk na8.30 pm tiri kutarisa nezvemusangano waitwa nemapato anopikisa ari pasi peNERA kuti pavandudzwe mitemo ine chekuita nesarudzo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa Short Wave.