Accessibility links

Breaking News

Kirsty Coventry Opinda Muma Semi-Finals e200m Backstroke KumaOlympics kuBrazil

Mutuhwini anemukurumbira Kirsty Coventry opinda muma semi-finals kuBrazil.
Mutuhwini anemukurumbira Kirsty Coventry opinda muma semi-finals kuBrazil.

Mutihwini ane mukurumbira Kirsty Coventry abudirira mumakwikwi ekutanga egadziriro yemasemi finals kana kuti ma"heats." Vatihwini gumi nevasere ndivo vabudirira kuenda kumasemi finals.

Masemi-finals aya ariko mangwanani eChishanu. Vanhu vasere vanenge vakunda mumasemi-finals aya vachapinda mumafinals musi weMugovera mangwanani.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZimbabwe Olympics Muzvare Merit Munzwembiri vanoti vane chivimbo chekuti Kirsty achatora menduru sezvo aya ari makwikwi aagara achishura mare.

"Chikwata cheTeam Zimbabwe chiri kufara zvichitevera kubudirira kwaita mutuhwini Kirsty Coventry mumakwikwi ake e 200 meter backstoke tiri kutarisira kuti ichaita zvakanaka mumakwikwi aya," Muzvare Munzwembiri vaudza Studio 7.

Chikwata chenhabvu chema Mighty Warriors chirikutarisirwa kusimuka muBrazil nemusi weChina chakananga kumusha. Izvi zvinotevera kudyiwa kwachakaitwa pamitambo yacho yese mu Group F apo chakadyiwa ne Germany, Australia ne Canada.

Muzvare Munzwembiri vanoti vanhu vese vari muchikwata cheTeam Zimbabwe vakatarisa nemaziso matsvuku zvichabuda pamakwikwi a Kirsty Coventry nhasi manheru. Vakawanda vanoti zvinhu zvinokwanisa kufamba zvakanaka muchikwata ichi Zimbabwe ikwanisawo kubuda nemenduru.

Mangwana zvizvarwa zveZimbabwe zviri kumakwikwi ekumhanyisa mabhoti madiki kanaa kuti rowing. Muzvare Micheen Thornycrot na Andrew Peebles vari kutarisirwa kukwikwidza zvakasimba mumakwikwi emafinals angangovaita kuti vawane menduru.

Vamhanyi vemunyika vari kutarisirwa kumhanya kubva Mugovera zvichienda mberi.

Hurukuro NaMuzvare Merit Munzwembiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG