Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vakazvipira Kushandira Bato Ravo Kunyangwe Kusarudzwa Kwavo Kwakamboita Mutauro.


VaNelson Chamisa.
VaNelson Chamisa.

Kunyangwe hazvo kugadzwa kwaVaNelson Chamisa ve MDC-T semumwe mutevedzeri wemutungamiri webato iri naVaMorgan Tsvangirayi kwakakonzera mutauro, VaChamisa vanoti hazvina kuvadzikisira sezvo zvakaitwa pamutemo webato ravo.

VaChamisa naVaElias Mudzuru vakagadzwa sevatevedzeri vaVaTsvangirayi vachitarisirwa kubatsira Muzvare Thokozani Khupe avo vagara vane chigaro ichi basa.

Vamwe vatsigiri vebato iri vanonzi havana kufara nechiitiko ichi asi vamwewo vachiti zvakakosha sezvo zvichisimbisa hutungamiri hwebato iri mutarisiro yesarudzo dzichauya dza 2018.

VaChamisa vanoti kushoropodzwa kwavari kuitwa nevamwe hakusi kuzova kanganisa kuita basa ravo.

"Pane chakanaka chese pane mutauro asi izvi hazvisi kundidzosera kumashure mubasa randi change ndichiita sezvo ndakatoro chitsidzo chekuti ndichashanda nemoyo wangu wese pandakasarudzwa nekupihwa ruremekedzo urwu," VaChamisa vakaudza Studio 7.

VaChamisa vanoti shuwiro yavo ndeye kuti veruzhinji vanyorese kuvhota kuitira kuti zvinhu zvisanduke munyika pasarudzo dza2018 uye kuti pave nehutongi hwejekerere.

Vakaenderera mberi vachiti vachashanda nesimba kuti vekumaruwa vawanikwe vachivhotera bato ravo musarudzo dzinotevera.

Hurukuro NaVa Nelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG