Sangano reZimbabwe Olympics Committee rinoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka muvatambi vari kumirira nyika kumaOlympics kuBrazil uye vakatarisira kuvhurwa kwemitambo iyi nemusi weChishanu.
Mutihwini ane mukurumbira Kirsty Coventry ndiye achange akatakura mureza weZimbabwe pachaparurwa mitambo iyi zviri pamutemo munhandare yeMaracana.
Varikutungamira Team Zimbabwe VaTitus Zvomuya vanoti mitambo yeZimbabwe yakawanda inosanganisira kutuhwina nemimwewo ichatanga nemusi weMugovera.
"Tine tarisiro yekuti zvinhu zvichafamba zvakanaka uye kuti tichawana menduru kubva kune vatambi vedu vemitambo," VaZvomuya vaudza Studio 7.
Chikwata chema Mighty Warriors icho chakadyiwa neGermany 6-1 nemusi we Chitatu pamutambo wacho wekutanga pamakwikwi aya chiri kutarisirwa kutamba ne Canada nemusi weMugovera.