Accessibility links

Breaking News

Sangano ReZimbabwe Olympics Committe Rinoti Zvinhu Zviri Kufamba Zvakanaka KuBrazil


Kirsty Coventry
Kirsty Coventry

Sangano reZimbabwe Olympics Committee rinoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka muvatambi vari kumirira nyika kumaOlympics kuBrazil uye vakatarisira kuvhurwa kwemitambo iyi nemusi weChishanu.

Mutihwini ane mukurumbira Kirsty Coventry ndiye achange akatakura mureza weZimbabwe pachaparurwa mitambo iyi zviri pamutemo munhandare yeMaracana.

Rio Olympics
Rio Olympics

​Varikutungamira Team Zimbabwe VaTitus Zvomuya vanoti mitambo yeZimbabwe yakawanda inosanganisira kutuhwina nemimwewo ichatanga nemusi weMugovera.

"Tine tarisiro yekuti zvinhu zvichafamba zvakanaka uye kuti tichawana menduru kubva kune vatambi vedu vemitambo," VaZvomuya vaudza Studio 7.

Chikwata chema Mighty Warriors icho chakadyiwa neGermany 6-1 nemusi we Chitatu pamutambo wacho wekutanga pamakwikwi aya chiri kutarisirwa kutamba ne Canada nemusi weMugovera.

Hurukuro NaVa Titus Zvomuya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG