VaTinashe Gumbo vanoti vashamiswa zvikuru kuona mukoma wavo, Va Joram Gumbo, vachivarambidza kutaura pamusangano uyu.
Vanhu vemuZimbabwe vari America vanoti kunyange vasiri kuvhota musarudzo, vachange vachinamatira nyika kuitira kuti ive nerunyararo pachaitwa sarudzo.
Sachigaro veZanu PF muModlands, VaJason Machaya, vanoti mudunhu mavo mune runyararo rwukuru kwazvo.
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rehuhwandu hwevanhu pasi rose, World Population Day.
Vanhu vanomwe vanoshanda nemakanzuru ekumaruwa vari mu America umo vari kuona mashandiro anoita makanzuru emunyika iyi.
Zvikwata zvikuru munyika Dynamos ne Highlanders, dzashaiswa mufaro zvichitevera kukundwa kwazvaitwa mumitambo ye Premier Soccer League nhasi.
Mutori wenhau weZimbabwe Independent, Herbert Moyo, anoti achiri kuzeya nevakuru vake nyaya yekurohwa kwake neChishanu pamuzinda weMDC-T pa Harvest House.
Mutungamiri weAmerica, Va Barack Obama, vatara tsaona yedutumupengo yakaitika ku Oklahoma neMuvhuro, sedambudziko hombe rinofanirwa kuwana rubatsiro nechimbichimbi.
Vana muzvinabhizinesi pamwe nevamiriri vemakambani vari kusangana muMaryland umo muchaitirwa neChishanu musangano wekutsvaga nzira dzekuti vemabhizinesi vaite muonera pamwe.
Macheso akagadzwa sa Zimbabwe Red Cross Ambassador muna Kukadzi gore rino, achimirira sangano iri muzvirongwa zvekushanda nevanotambura.
Bazi remuAmerica rinopa rubatsiro pasi rose, reUnited States Agency For International Development, richashandisa mamiroyoni makumi matatu emadhora muzvirongwa zvekurima
Dambe guru rechirongwa cheHarare Festival of The Arts (HIFA) ratanga muHarare neChipiri.
Gurokota rezvemagetsi, Va Elton Mangoma, vanoti Zesa iri mushishi rekuyedza kutsvaga mari yekubhadara zvikweti zvemagetsi zvaisunga pahuro.
Sachigaro vesangano idzva reZimbabwe Diaspora Network - North America, Va Norbert Mugwagwa, vanoti vari kufara nekutambirwa kuri kuitwa zvirongwa zvavo.
Dynamos yasimudza mukombe weIndependence Trophy mushure mekukunda Highlanders one kwa zero kunhandare ye National Sports Stadium.
Vaimbi navana Nyanduri vanobva kunyika dzinosvika makumi maviri neshanu varikutarisirwa munyika kupera kwemwedzi uno pamutambo weHarare Festival Of The Arts.
Vakuru vakuru veDynamos nhasi vaita musangano wekuzeya matambiro echikwata chavo mushure memhirizhonga yakaitika nemusi weSvondo.
Sachigaro ve Dynamos VaKenny Mubaiwa vanoti vadaidzira musangano mukuru wevatungamiri nevarairidzi vechikwata chavo neChipiri kuti vazeye matambiro avo.
Varimi vari munzvimbo dzisinga nyanyo naya mvura vanoti vari kushandisa nzira itsva dzinehungwaru dzekurima vasingashanise mvura yakawanda kuitira kuti vawane gohwo rakanaka.
Sangano re Bulawayo Agenda rinoti richatanga chirongwa chekukurudzira mapato ose ezvematongerwo enyika kuti vazeye nyaya yezuva resarudzo.
Rodhai zvimwe