Accessibility links

Breaking News

Alick Macheso Oronga Mutambo Wekubatsira Vanotambura


Sangano re Zimbabwe Red Cross Society rinoti muimbi ane mukurumbira munyika, Alick Macheso, achatanga basa rake semumiriri wesangano iri pamutambo mukuru uchaitwa ku Mbare Netball Complex neMugovera.

Macheso akagadzwa sa Zimbabwe Red Cross Ambassador muna Kukadzi gore rino, achimirira sangano iri muzvirongwa zvekushanda nevanotambura.

Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, Va Takemore Mazuruse, vanoti veruzhinji nemhuri dzavo vari kukokwa kumutambo uyu uchange une vamwe vaimbi vanosanganisira Fungisai Zvakavapano-Mashavave, avo vachabatana naMacheso pachiitiko ichi.

Mutambo uyu uchashandiswa senzira yekutsvaga rutsigiro rwekubatsira vanotambudzika munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG