WASHINGTON —
Sangano reBulawayo Agenda rinoti richatanga chirongwa che kukurudzira mapato ari muhurumende yemubatanidzwa anoti Zanu PF, MDC-T, MDC, Zapu neMavambo Kusile Dawn kuti vazeye nyaya yezuva resarudzo.
Mutungamiri we Zanu PF VaRobert Mugabe vanoti sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa muna Chikumi asi mapato e MDC arimaviri anoti panezvizhinji zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti paitwe sarudzo dzakachena.
Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reBulawayo Agenda VaMmeli Dube vanoti musangano uyu uchaitirwa kuWhite City Hall neChishanu.
Vanyori vakuru vemapato akaita seZanu-PF, MDC-T, MDC nemamwe ndivo vachange vakamirira mapato avo pahurukuro iyi.
Musangano uyu uchapindwawo nemasangano akazvimirira oga uye vemasangano aya vachawana mukana weku zeya nemapato aya kuti chii chavari kuvimbisa veruzhinji kana vachinge vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika iri kutarisirwa kuitwa gore rino.