Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yoita Musangano weKuyedza Kugadzirisa Bopoto Romuka muChikwata Ichi


Dynamos Football Club players
Sachigaro ve Dynamos VaKenny Mubaiwa vanoti vadaidzira musangano mukuru wevatungamiri nevarairidzi vechikwata chavo neChipiri kuti vazeye matambiro avari kuita mazuva ano asiri kufadza vateereri.

Izvi zvinotevera kuita mangange kwakaita chikwata chavo ne Triangle 0-0 pamutambo wakatambwa kunhandare yeRufaro neSvondo.

Aka ndeke china chikwata ichi chichiita mangange nezvimwe zvikwata kubvira pakatanga mwaka mutsva wegore rino weCastle Premier Soccer League 2013.

Kuita magange kwechikwata ichi neSvondo kwakakonzera vamwe vatambi kuti vatange mhirizhonga pakapera mutambo weSvondo apo vanonzi vakavharira imwe nhengo yehutungamiri hweDynamos munhandare yeRufaro vachimupomera mhosva yehuroyi.

Vatsigiri vanonzi vakatodaidzirwa mapurisa kuti vasaite nhengo iyi kafiramberi mushure mekunge paita bowa bowa pakapera mutambo uyu.

Dynamos yakatengesa vatambi vane chitsama kuzvikwata zvekuSouth Africa izvo zvirikuita kuti vatsigiri vasafare sezvo vanoti hutungamiri hwungadai hwakatsvaga vamwe vatambi vane hunyanzvi kuti vatsive avo vakanotsvaga mafuro manyoro.

VaMubaiwa vanoti sangano ravo rakatenga vatambi vekutsiva avo vakatengwa saka havasi kuziva kuti seyi chikwata chisiri kutamba zvakanaka parizvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG