WASHINGTON —
Dynamos neChina yakasimudza mukombe weIndependence Trophy mushure mekukunda Highlanders nechibodzwa chimwe chete kunhandare ye National Sports Stadium.
Mutambi weDynamos Murape Murape ndiye akanwisa chibodzwa ichi izvo zvakafadzwa vatsigiri ve Dynamos avo vange vave nemitambo mina vachingoita mangange mumitambo yeCastle Premier Soccer League. Mutambi weHighlanders Njabulo Ncube akapihwa kadhi dzvuku nenyaya yekukuvadza mumwe mutambi weDynamos.
Mumwe mutsigiri we Dynamos VaFabian Mahembe vanoti vafadzwa nemafambiro aita mutambo uyu watambwa pazororo rekucherechedza kuzvitonga kuzere kwenyika. Aka nndekechinomwe Dynamos ichitora mukombe uye.
VaMahembe vanoti kuwona kwavo kukunda kwaita chikwata chavo kunoratidza kuti chave kuzotanga kukunda pamitambo inotevera yeCastle Premier League. Vanoti vane chivimbo chekuti chikwata chavo chicha torazve mukombe weCastle Premier Soccer League wegore rino sezvachakaita gore rapera.