Accessibility links

Breaking News

Zesa Yosimudzira Demo Vasiri Kubhadhara Magetsi


ZESA power
ZESA power
Gurokota rezvemagetsi, Va Elton Mangoma, vanoti Zesa iri mushishi rekuyedza kutsvaga mari yekubhadara zvikweti zvemagetsi zvaisunga pahuro, izvo zvichaita kuti idzimire magetsi vose vasiri kubhadhara magetsi, kusanganisira makurokota ehurumende.

Va Mangoma vanoti Zesa haisi kuzoramba ichipa magetsi kuvanhu vasiri kubhadhara zvikwereti zvavo kukambani iyi.

Kunyange hazvo vasina kudoma vakuru muhurumende vasiri kubhadhara magetsi avanoshandisa, VaMangoma vanoti demo ravo richatema risina kwarinorerekera.

Munguva yapfuura, mapepanhau akaburitsa mazita evakuru vakuru, zvikuru muZanu PF, vasiri kubhadhara zvikwereti kuZesa.

Vaiva pamusoro soro vanosanganisira mukuru wevasori, VaHappyton Bonyongwe, avo vaive nechikwereti chemazana matatu ane makumi mashanu ezviuru zvemadhora; gavhuna weManicaland, Va Chris Mushowe, avo vaive nemazana matatu ane makumi matanhatu ezviuru zvemadhora, pamwe nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe nemudzimai wavo Grace, avo vaive nechikwereti chinodarika mazana matatu nemakumi mana ezviuru zvemadhora.

Hazvisati zvajekeswa kana vanhu ava vari kubhadhara zvikwereti izvi.

Muna Kukadzi gore rino, Zesa yanga yava nemari inodarika zana nemakumi matatu emamiriyoni emadhora isiri kudhandarwa nevanhu vanoshandisa magetsi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG