Accessibility links

Breaking News

Vana Muzvinabhizinesi Vopangana Mazano muAmerica


Zimbabwe
Zimbabwe
Vana muzvinabhizinesi pamwe nevamiriri vemakambani vari kusangana mu Maryland umo muchaitirwa neMugovera musangano wekutsvaga nzira dzekuti vemabhizinesi vaite muonera pamwe.

Musangano uyu wakarongwa ne sangano re Zimbabwe Business Network International, ZBNI, iro rakaumbwa nezvizvarwa zvekuZimbabwe zviri muAmerica.

ZBNI iri kushanda pamwe neZimbabwe Human Capital pakuronga misangano ichaitirwawo muAtlanta ku Georgia neku Dallas mu Texas.

Mukuru we sanganro re ZBNI, Va Esau Mavindidze, vanoti misangano iyi ndeye kukurudzira kudyidzana munyaya dzezvemabhizinisi pakati peZimbabwe nezvizvarwa zvayo zviri muAmerica nevari kumusha.

Vashanyi vabva kuZimbabwe vaita neChishanu misangano nevamiriri veWorld Bank vasati vaenda kumabiko achaitwa Chishanu manheru muGaithersburg muMaryland.

Mamwe emakambani achange ari pamusangano uyu anosanganisira Confederation of Zimbabwe Industries, Zimbabwe Chamber of Mines, Zimbabwe Investment Authority, The Institute of People Management of Zimbabwe nemamwe.


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG