Mapato ari muhurumende yemubatanidzwa neChipiri akaparura chirongwa chekukurudzira kugara murunyararo kwevatsigiri vemapato anoti Zanu PF, MDC inotungamirwa navaTsvangirai ne MDC inotungamirwa nava Welshman Ncube.
Meya weguta reVictoria Falls vaNkosilathi Jiyani vanoti zvinofadza kuti kambani yeAir Zimbabwe yatanga kubhururuka mazuva ese kunzvimbo dzimwe..
Munyori wemuNigeria ane mukurumbira pasi rose, Chinua Achebe, ashaya neChishanu muBoston, America,
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vaparura neChipiri chirongwa chekudzidzisa chirungu kuvana vanobva kumhuri dzinoshaya muBulawayo.
Vagari vemumatunhu akawanda muMatabeleland vanoti vakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemvura izvo zviri kupa kuti vanhu vakawanda vade rubatsiro rwechikafu.
MDC-T inoti nhengo dzayo dzarohwa nemauto ange akapakatira pfuti apo dzange dziri pamusangano waitirwa kuZhombe mudunhu re Midlands North.
Chikwata cheDynamos chinoti chichapa vatambi vacho mari inosvika zvikamu makumi mana kubva muzana zvemari ichabva kukambani ye Delta semubairo wekutora kwayakaita mukombe we Castle Lager Premier Soccer League.
Zvinonzi vadzidzi ava nevamwe vavo vanga vachiputa zvinodhaka apo vanga vachipemberera kupedza kwavo bvunzo dzegore rino.
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza matambudziko ari kutarisana nepasi rose mukurwisa chirwere chishuga.
Bazi rezvedzidzo yepamusoro rinoti ravhara zvikoro zvepamusoro zvinosvika zana negumi nezvitatu zvange zvichishanda zvisiri pamutemo uye zvisina marezinesi ekuita basa iri.
Nyanzvi munyaya dzehitano dzinoti Zimbabwe inofanirwa kukoshesha hutano hwevanhu kuburikidza nekuita zvirongwa zvinobatsira veruzhinji munyaya dzehutano.
Vatambi vechikwata cheHighlanders vanonzi vari kuenderera mberi nekuramwa kwavo basa zvichitevera kuramwa kwavakaita kuita mitambo yegadziriro neChitatu vachiti vanoda kutanga vabhadharwa mari dzavo dzemabhonasi dzavakavimbiswa kana vachinge vakunda.
Vakomana veZimbabwe Warriors vatanga gadziriro yemutambo mukuru ne Angola uyo uchatambwa neSvondo.
Sangano re Global Fund rakapa neChipiri Zimbabwe mari inosvika makumi masere nemana emamiriyoni emadhora.
Bato rinopikisa muSouth Africa, reDemocratic Alliance, DA, rinoti harisi kufara nedanho rakatorwa nehurumende yeSouth Africa rekupa Zimbabwe chikwereti chemari inosvika zana remamiriyoni emadhora.
Sangano reHarare Residents Trust rinoti ratanga chirongwa chekutsvaga makuriro edambudziko rekushaikwa kwemvura muHarare uye kuti dambudziko iri ringagadziriswe seyi.
Bazi rinoona nezvekuverengwa kwevanhu munyika, rinoti rapedza kukwenenzvera kuverengwa kwevanhu munzvimbo dzisina kusvikwa nevanhu vaiverenga vanhu munyika.
Hakusi kudaidzwa anonzwa muguta re Victoria Falls umo muri kuparurwa hurongwa hwekugadzirira musangano mukuru we United Nations World Tourism Organisation General Assembly.
Fodya yowanira nyika mari kudarika mangoda
Rodhai zvimwe