Accessibility links

Breaking News

Fodya Younzira Nyika Mari Inodarika Mamiriyoni Mazana Mashanu eMadhora


Fodya yakatengeswa gore rino inonzi yakakwanisa kuunza mari inosvika mazana mashanu negumi rine madhora manomwe emamiriyoni emadhora. Izvi zvinotevera kutengeswa kwefodya ine huremu hunosvika makirogiramu mamiriyoni zana nemakumi mana, kubva pamamiriyoni zana nemakumi maviri nemaviri emakirogiramu akatengeswa gore rapera.

Zimbabwe inozivikanwa zvikuru nekurima fodya. Asi kubva pakatanga chirongwa chekuendesa ivhu kuvatema muna 2000, Zimbabwe yakabva yadzikira zvachose marimiro ayo fodya.

Muna 2000, Zimbabwe yakawana makirogiramu efodya anosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi matatu. Kubva ipapa, Zimbabwe yakatanga kurima fodya zvichitevera kutorwa kwakaitwa mapurazi evachena.

Mukuru wesangano rinoona nezvekutengeswa kwefodya, reTobacco Industry and Marketing Board, Va Andrew Matibiri, vanoti goho regore rino rakakwira kubva pagoho regore rapera, kunyange hazvo vasina kuzowana fodya yavanga vakatarisira gore rino.

Nyanzi mukurima kwefodya dzinoti Zimbabwe yanga yakatarisira kuwana fodya ine huremu hunosvika zana nemakumi mashanu emamiriyoni emakirogira.

Kurima ndiko kwagara kuchiunzira nyika mari yakawanda. Asi mazuva ano mangoda ndiwo anga achinzi ndiwo achaunzira nyika mari yakawanda asi izvi hazvisi kuitika sezvo kutengeswa kwemangoda emunyika kuri kukonzera mutauro.

XS
SM
MD
LG