Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovharwa Kuitira Kuti Vadzidzisi Vadzidziswe Nzira Dzokuverengwa KweveRuzhinji Pachirongwa CheCensus


Zvikoro zvemunyika zvavharwa nhasi kuitira kuti varairidzi vakwanise kuita zvidzidzo zvichavabatsira muchirongwa chekuverengwa kwevanhu chichaitwa nebazi re Zimstat kutanga musi wa 18 kusvika 28 Nyamavhuvhu.

Zvikoro zvange zvakatarisirwa kuvharwa Svondo rinouya. Mumwe mudzidzisi wemuHarare, va Abbiot Moyo, vanoti dai hurumende yakaronga zvinhu zvakanaka sezvo kuvharwa kwezvikoro nechimbi chimbi kuri kukanganisa gadziriro dzebvunzo dzepamusoro dzinofanirwa dzichiitwa nevamwe vadzidzi.

VaMoyo vanoti vamwe vadzidzi vachatoenda kumisha vasina mangwaro ema report cards sezvo dzimwe bvunzo muzvimwe zvikoro dzange dzisati dzapedzwa kumakwa panguva apo zvikoro zvakanzi zvivharwe nehurumende.

VaMoyo vanoenderera mberi vachiti vabereki vevana vari muzvikoro zvema boarding schools vari kushushikana kuti mari dzavo dzavakabhadhara dzetemu yese dzichafambiswa seyi sezvo zvikoro zvakurumbidza kuvharwa. VaMoyo vanoti kunyangwe zvazvo zvakakosha kuti vanhu vaverengwe munyika zvirongwa zvakadayi zvinofanirwa kuitwa pazororo refu rinenge rakarongeka kuitira kuti risakanganise vadzidzi muzvidzidzo zvavo.

XS
SM
MD
LG