Accessibility links

Breaking News

Dhidhindi muVictoria Falls Mugadziriro yeMusangano weGore Rinouya


Kwanga kuine mafaro makuru muguta reVictoria Falls umo vaimbi vanga vachivaraidza vanhu muchirongwa chekuparura hurongwa hwekugadzirira musangano wezvekushanya gore rinouya.

Musangano mukuru we United Nations World Tourism Organisation General Assembly uchaitwa kwemazuva mashanu muna Nyamavhuvhu gore rinouya.

Vaimbi vane mukurumbira munyika savana Fungisai Zvakavapano Mashavave na Sulumani Chimbetu ndivo vachange vachivaraidza vanhu pahurongwa uhu.

Sangano rezvekushanya nekushanyirwa kwenyika, reZimbabwe Tourism Authority, rinoti mhemberero idzi dzichapera pakati pehusiku hweChina.

Mumwe mukuru musangano reZimbabwe Tourism Authority, Va Sugar Chagonda, vanoti gadziriro yavo yafamba zvakanaka zvichaita kuti hurongwa hwavo hubudirire.

Zimbabwe ndiyo ichange ichiitirwa musangano wegore rinouya zvichitevera kupihwa kwayakaitwa mukana wekuita izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG