Accessibility links

Breaking News

DA Inoti Zimbabwe Ngaitarirwe Zvokuita Isati Yapihwa Chikwereti

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti.
Bato rinopikisa muSouth Africa, reDemocratic Alliance, DA, rinoti harisi kufara nedanho rakatorwa nehurumende yeSouth Africa rekupa Zimbabwe chikwereti chemari inosvika zana remamiriyoni emadhora.

Gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vakasangana neChishanu negurukota rezvemari mu South Africa, VaPravin Gordham, vakakurukura nyaya yekuti South Africa ingabatsira seyi Zimbabwe muhurongwa hwayo hwemari.

Bato re DA rinoti mari inofanirwa kupihwa Zimbabwe kana nyika iyi ichinge yava kuwirirana panyaya yebumbiro idzva remitemo nezvimwe. Bato iri rinotiwo panofanirwa kuva nezvisungo zvinofanirwa kutarira Zimbabwe kwete kungoipa mari iyi pachena.

Zimbabwe iri kutsvaga mari yekuti chirongwa chereferendamu chiitwe, mari yekubatsira varimi, pamwe nemari yebhonasi yekupa vashandi vehurumende.

VaBiti vanoti Zimbabwe, iyo yanga ichitarisira kuwana mari kumangoda, haisi kuwana mari yayanga ichifungidzira kuti ichawana, izvo zviri kusiya nyika isina mari inoikwanira gore rino.

Zimbabwe yakavimbiswawo mari neBotswana, Mozambique neAngola.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda nesangano re Coalition For Market & Liberal Solutions, Va Rejoice Ngwenya, vanoti zviri pamutemo kuti bato re DA ripikise danho rakatorwa nehurumende yeSouth Africa rekupa Zimbabwe chikwereti ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG